Tsamba Yekutanga kuvaKorinde 5:1-13
5 Zviri kutonzi pakati penyu pari kuitwa upombwe,*+ uye upombwe* hwakadaro hautombowanikwi kunyange pakati pemamwe marudzi, hwekuti mumwe murume ari kugara nemudzimai wababa vake.+
2 Muri kutodada nazvo here? Maisafanira kuchema here,+ kuti murume akaita zvakadai abviswe pakati penyu?+
3 Kunyange zvazvo ndisiko panyama, ndiriko mumweya, uye ndatotonga murume wacho akaita izvi, sekunge kuti ndinotova nemi.
4 Kana makaungana pamwe chete muzita raShe wedu Jesu, uye muchiziva kuti ndinemi mumweya pamwe nesimba raShe wedu Jesu,
5 munofanira kuisa munhu akadaro kuna Satani+ kuti nyama iparadzwe, maonero eungano azochengetedzwa* pazuva raShe.+
6 Kuzvirumbidza kwamuri kuita hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shomanana inovirisa mukanyiwa wese?+
7 Bvisai mbiriso yekare, kuti muve mukanyiwa mutsva, sezvo imi muri vanhu vasina kuviriswa. Nekuti Kristu, gwayana redu rePaseka,+ akabayirwa.+
8 Saka ngatichengete mutambo,+ kwete nembiriso yekare, kana nembiriso yeuipi nechivi, asi nechingwa chisina mbiriso chekutendeka nechokwadi.
9 Mutsamba yangu ndakakunyorerai kuti murege kufambidzana nemhombwe,*
10 ndisingarevi kuti murege zvachose kufambidzana nemhombwe* dziri munyika ino+ kana vanhu vanokara kana makororo kana vanonamata zvidhori. Dai zvakadaro maitozofanira kubva panyika.+
11 Asi iye zvino ndiri kukunyorerai kuti murege kufambidzana+ nemunhu wese anonzi hama iye ari mhombwe* kana munhu anokara+ kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa+ kana gororo.+ Murege kunyange kudya nemunhu akadaro.
12 Nekuti ndinei nekutonga vari kunze? Imi hamutongi vari mukati here,
13 Mwari achitonga vari kunze?+ “Bvisai munhu akaipa pakati penyu.”+
Mashoko Emuzasi
^ Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiGir., “mweya uponeswe.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Mweya.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”