Isaya 38:1-22
38 Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvekuda kufa.+ Muprofita Isaya+ mwanakomana waAmozi akauya akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Ronga nyaya dzemhuri yako, nekuti uchafa; hausi kuzopora.’”+
2 Hezekiya akabva atarisa kumadziro, akatanga kunyengetera kuna Jehovha achiti:
3 “Ndinokutetererai, haiwa Jehovha, ndapota yeukai+ kuti ndakafamba pamberi penyu ndakatendeka, nemwoyo wakaperera kwamuri,+ uye kuti ndakaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekiya akabva atanga kuchema chaizvo.
4 Shoko raJehovha rakabva rauya kuna Isaya, richiti:
5 “Dzokera unoti kuna Hezekiya,+ ‘Zvanzi naJehovha Mwari watateguru vako Dhavhidhi: “Ndanzwa munyengetero wako.+ Ndaona misodzi yako.+ Ndichawedzera makore 15 paupenyu hwako,*+
6 uye ndichakununura iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiriya, uye ndicharwira guta rino.+
7 Ichi ndicho chiratidzo chinobva kuna Jehovha chekuti Jehovha achaita zvaataura:+
8 Ndichaita kuti mumvuri waiswa nezuva pamasitepisi* aAhazi udzoke shure nemasitepisi gumi.”’”+ Saka zuva rakadzokera shure nemasitepisi gumi pamasitepisi arakanga ratodzika.
9 Izvi ndizvo zvakanyorwa naHezekiya mambo weJudha, paakarwara akapora paurwere hwake.
10 Ndakati: “Pakati peupenyu hwanguNdichafanira kupinda mumagedhi eGuva.*
Ndichanyimwa makore angu asara.”
11 Ndakati: “Handichazooni Jah,* iye Jah, munyika yevapenyu.+
Handichazotarisizve vanhuPandinenge ndiine vagari vemunzvimbo inoguma zvinhu zvese.
12 Nzvimbo yangu yekugara yadzurwa uye yabviswa kwandiri+Setende remufudzi.
Ndapeta upenyu hwangu semunhu anogadzira machira.
Anondigura seshinda dzejira.
Kubva masikati kusvika usiku munoramba muchindiisa kumugumo.+
13 Ndinodzikama kusvika mangwanani.
Anoramba achipwanya mapfupa angu ese sezvinoitwa neshumba;Kubva masikati kusvika usiku munoramba muchindiisa kumugumo.+
14 Ndinoramba ndichirira senyenganyenga,* kana kuti sekadhimba;*+Ndinoramba ndichigururudza senjiva.+
Maziso angu anotarisa kumusoro akaneta, ndichiti:+
‘Haiwa Jehovha, ndiri kunetseka chaizvo;Nditsigirei.’*+
15 Ndingataurei?
Ataura neni uye ane zvaaita.
Makore angu ese ndichafamba ndichizvininipisa*Nemhaka yekushungurudzika kwangu.*
16 ‘Haiwa Jehovha, munhu wese anorarama nezvinhu izvi,*Uye mazviri ndimo mune simba rangu reupenyu.
Muchaita kuti ndivezve neutano mondichengetedza ndiri mupenyu.+
17 Onai! Ndakashungurudzika chaizvo panzvimbo pekuva nerugare;Asi nekuti makandida,*Makaita kuti ndisapinda mugomba rekuparadzwa.+
Makarasira zvivi zvangu zvese shure kwenyu.*+
18 Nekuti Guva harigoni kukukudzai,+Rufu harugoni kukurumbidzai.+
Vaya vanopinda mugomba havagoni kutarisira kutendeka kwenyu.+
19 Vapenyu, ivo vapenyu vanogona kukurumbidzai,Sezvandinogonawo kuita nhasi.
Baba vanogona kupa vanakomana vavo ruzivo pamusoro pekutendeka kwenyu.+
20 Haiwa Jehovha, ndiponesei,Uye ticharidza nziyo dzangu pazviridzwa zvine tambo+Mazuva ese eupenyu hwedu paimba yaJehovha.’”+
21 Isaya akabva ati: “Unzai keke remaonde akaomeswa, muriise pamota kuti apore.”+
22 Hezekiya akanga abvunza kuti: “Ndechipi chiratidzo chekuti ndichaenda kuimba yaJehovha?”+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “pamazuva ako.”
^ Masitepisi aya anogona kunge aishandiswa kuona pava nenguva uchitarisa panenge pava nemumvuri.
^ Kana kuti “eSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
^ ChiHeb., “Ivai chibatiso changu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “sehoriori.”
^ Kana kuti “semherepere.”
^ Kana kuti “ndakanyarara.”
^ Kana kuti “kwemweya wangu.”
^ Kureva, mashoko aMwari nemabasa ake.
^ Kana kuti “makada mweya wangu.”
^ Kana kuti “Makabvisa zvivi zvangu zvese pamberi penyu.”