Mapisarema 19:1-14
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
19 Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari;+Denga rinozivisa* basa remaoko ake.+
2 Zuva nezuva kutaura kwazvo kunobuda,Uye usiku hwega hwega zvinoratidza ruzivo.
3 Hapana kutaura, uye hapana mashoko;Inzwi razvo harinzwiki.
4 Asi zvazvinotaura zvinosvika* munyika yese,Uye mashoko azvo anosvika kumagumo enyika.*+
Akadzikira zuva tende kumatenga;
5 Rinoita semurume ari kuroora ari kubuda muimba yekuchatira;Rinopembera semurume ane simba ari kumhanya munzira yake.
6 Rinobuda richibva kune mumwe mugumo wematenga,Uye rinotenderera kusvika kune mumwe mugumo;+Uye hapana chakavanzwa pakupisa kwaro.
7 Mutemo waJehovha wakakwana,+ unodzosa simba.*+
Chiyeuchidzo chaJehovha chakavimbika,+ chinochenjedza asina ruzivo.+
8 Mirayiro inobva kuna Jehovha yakarurama, inoita kuti mwoyo ufare;+Murayiro waJehovha wakachena, unoita kuti maziso apenye.+
9 Kutya Jehovha+ kwakachena, kunoramba kuripo nekusingaperi.
Mitongo yaJehovha ndeyechokwadi, yese yakarurama.+
10 Inodiwa kupfuura goridhe,Kupfuura goridhe rakawanda rakanatswa,+Uye inotapira kupfuura uchi,+ uchi hunoyerera huchibva mumazinga.
11 Mushumiri wenyu anoyambirwa nayo;+Kuichengeta kunounza mubayiro mukuru.+
12 Ndiani angaziva zvikanganiso zvake?+
Ndiregerereiwo pazvivi zvandisingazivi kuti ndakaita.
13 Uye dzorai muranda wenyu kuti arege kuita mabasa ekuzvikudza;+Musaarega achindikunda.+
Ndichabva ndava akakwana,+Uye ndichange ndisina mhosva yezvivi zviri pachena.*
14 Mashoko emuromo wangu nekufungisisa kwemwoyo wanguNgazvikufadzei,+ haiwa Jehovha, Dombo rangu+ neMudzikinuri wangu.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Nzvimbo huru inozivisa.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “tambo yazvo yekuyeresa inosvika.”
^ Kana kuti “enyika inobereka.”
^ Kana kuti “mweya.”
^ Kana kuti “yezvitadzo zvakawanda.”