Mapisarema 4:1-8
Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo. Rwiyo rwaDhavhidhi.
4 Pandinoshevedza, ndipindureiwo, Mwari wangu akarurama.+
Ndigadzirirei nzira yekutiza nayo* pandinenge ndichitambudzika.
Ndinzwirei nyasha, munzwe munyengetero wangu.
2 Imi vanakomana vevanhu, mucharamba muchichinja kukudzwa kwangu kuti kuve kuninipiswa kusvikira riini?
Mucharamba muchida zvinhu zvisina zvazvinobatsira uye muchitsvaga zvenhema kusvikira riini? (Sera)
3 Zivai kuti Jehovha achakudza* munhu wake akavimbika;Jehovha achanzwa pandinomushevedza.
4 Kana mukagumbuka, musatadza.+
Taurai nechemumwoyo, muri pamibhedha yenyu, murambe makanyarara. (Sera)
5 Ipai zvibayiro zvekururama,Muvimbe naJehovha.+
6 Kune vazhinji vari kuti: “Ndiani achatiratidza zvakanaka?”
Itai kuti chiedza chechiso chenyu chipenye patiri, haiwa Jehovha.+
7 Mazadza mwoyo wangu nemufaro mukuruUnopfuura wevaya vakakohwa zviyo newaini itsva zvakawanda.
8 Ndicharara pasi, ndobatwa nehope murugare,+Nekuti imi mega, Jehovha, munoita kuti ndigare ndakachengeteka.+