Mapisarema 83:1-18
Rwiyo. Pisarema raAsafi.+
83 Haiwa Mwari, musanyarara;+Musaramba makangoti zii kana kuramba makamira, haiwa imi Mwari.
2 Nekuti onai! vavengi venyu vari kuita zhowezhowe;+
Vaya vanokuvengai vari kuzvikudza.*
3 Vanonyengera vachironga pachivande kuitira vanhu venyu zvakaipa;Vanorangana zvakaipa pamusoro pevanhu venyu vamunokoshesa.*
4 Vanoti: “Uyai, ngatiparadzei rudzi rwavo rwese,+Kuti zita raIsraeri rirege kuyeukwazve.”
5 Vanoisa misoro pamwe chete vachironga zano;*Vakaita sungano yekurwisana nemi,+
6 Ivo vemumatende eEdhomu uye vaIshmaeri, Moabhi+ uye vaHagri,+
7 Gebhari naAmoni+ naAmareki,Firistiya+ pamwe chete nevagari vekuTire.+
8 Asiriya+ yakabatanawo navo;Vanotsigira vanakomana* vaRoti.+ (Sera)
9 Vaitei zvamakaita Midhiyani,+Zvamakaita Sisera naJabhini parukova rweKishoni.+
10 Vakaparadzwa paEndori;+Vakava mupfudze wenyika.
11 Itai kuti vakuru vakuru vavo vave saOrebhu naZeebhu+Uye machinda avo ave* saZebha naZarimuna,+
12 Nekuti vakati: “Ngatitorei nyika inogara Mwari.”
13 Haiwa Mwari wangu, itai kuti vave semasora anobaya anotorwa nechamupupuri,+Semashanga ari kupeperetswa nemhepo.
14 Sezvinoita moto unopisa sango,Serimi remoto rinopisa makomo,+
15 Vadzingirirei nedutu renyu rakasimba+Uye vavhundutsei nechamupupuri chenyu.+
16 Zadzai* zviso zvavo nenyadzi,Kuti vatsvage zita renyu, haiwa Jehovha.
17 Ngavanyadziswe uye ngavavhundutswe nekusingaperi;Ngavashaye pekupinda uye ngavaparare;
18 Vanhu ngavazive kuti imi, mune zita rekuti Jehovha,+Imi mega ndimi Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “vari kusimudza misoro yavo.”
^ ChiHeb., “vamakavanza.”
^ ChiHeb., “Vanorangana nemwoyo mumwe.”
^ ChiHeb., “Vava ruoko rwevanakomana.”
^ Kana kuti “vatungamiriri vavo vave.”
^ Kana kuti “Fukidzai.”