Muparidzi 7:1-29

  • Zita rakanaka uye zuva rekufa (1-4)

  • Kutsiura kwemunhu akachenjera (5-7)

  • Mugumo wechinhu uri nani pane kutanga kwacho (8-10)

  • Zvakanakira uchenjeri (11, 12)

  • Mazuva akanaka uye akaipa (13-15)

  • Usapfuura mwero pane zvaunoita (16-22)

  • Zvakaonekwa nemuunganidzi (23-29)

7  Zita rakanaka* riri* nani pane mafuta akanaka,+ uye zuva rekufa riri nani pane zuva rekuberekwa.  Zviri nani kuenda kuimba yekuchema pane kuenda kuimba yemabiko,+ nekuti ndiwo magumo emunhu wese, uye vapenyu vanofanira kuzvifungisisa mumwoyo mavo.  Zviri nani kunetseka pane kuseka,+ nekuti kusuruvara kwechiso kunoita kuti mwoyo unzwe zviri nani.+  Mwoyo yevakachenjera iri muimba yekuchema, asi mwoyo yemapenzi iri muimba yekufara.*+  Zviri nani kuteerera kutsiura kwemunhu akachenjera+ pane kuteerera rwiyo rwemapenzi.  Nekuti kuseka kwebenzi kwakaita sekuputika kunoita minzwa iri kubvira pasi pehari;+ uye izviwo hazvina zvazvinobatsira.  Asi kudzvinyirirwa kunogona kuita kuti munhu akachenjera aite sebenzi, uye chiokomuhomwe chinokanganisa mwoyo.+  Kuguma kwenyaya kuri nani kupfuura kutanga kwayo. Zviri nani kuva nemwoyo murefu pane kuzvikudza.+  Usakurumidza kugumbuka,*+ nekuti kugumbuka kunogara muchipfuva chemapenzi.*+ 10  Usati, “Nei mazuva ekare aiva nani pane aya?” nekuti kubvunza izvi kushaya uchenjeri.+ 11  Uchenjeri pamwe chete nenhaka zvakanaka uye zvinobatsira vaya vanoona chiedza chemasikati.* 12  Nekuti uchenjeri hunodzivirira+ sekudzivirira kunoita mari,+ asi ruzivo rwakanakira pakuti: Uchenjeri hunochengetedza upenyu hwemuridzi wahwo.+ 13  Funga basa raMwari wechokwadi, nekuti ndiani angatwasanudza zvaakakombamisa?+ 14  Kana zuva rakanaka, ratidza kuti rakanaka,+ asi kana riri zuva redambudziko, ziva kuti Mwari ndiye akariita uyewo ndiye akaita rimwe racho,+ kuti vanhu vasava nechokwadi nezvezvichaitika kwavari mune ramangwana.+ 15  Muupenyu hwangu husina zvahunobatsira+ ndakaona zvinhu zvese, kubva kumunhu akarurama anoparara mukururama kwake+ kusvika kumunhu akaipa anorarama kwenguva yakareba pasinei neuipi hwake.+ 16  Usanyanya kuva akarurama,+ kana kuratidza kuti wakanyanya kuchenjera.+ Unodirei kuzviparadza?+ 17  Usanyanya kuva akaipa, kana kuva benzi.+ Unodirei kukurumidza kufa?+ 18  Zvakanaka chaizvo kuti uteerere yambiro iyi asi usingasiyi imwe yacho;+ nekuti munhu anotya Mwari achazviteerera zvese. 19  Uchenjeri hunoita kuti munhu akachenjera ave nesimba kupfuura varume gumi vakasimba vari muguta.+ 20  Nekuti hapana munhu akarurama panyika anongogara achiita zvakanaka asingatadzi.+ 21  Uyewo, usava nehanya nemashoko ese anotaurwa nevanhu;+ zvichida unogona kuzonzwa mushandi wako achikutuka; 22  nekuti unonyatsozviziva mumwoyo mako kuti iwe wakambotukawo vamwe kakawanda.+ 23  Zvese izvi ndakazviedza neuchenjeri, uye ndakati: “Ndichava akachenjera.” Asi ndakazvitadza. 24  Zvinhu zvakatoitika zvava kure chaizvo uye zvakanyanya kudzama. Ndiani angazvinzwisisa?+ 25  Ndakaita kuti mwoyo wangu ude kuziva, kuongorora uye kutsvaga uchenjeri uye chinokonzera kuti zvinhu zviitike, uye kuti ndinzwisise kuipa kweupenzi uye ufuza hweupengo.+ 26  Ndakabva ndaona izvi: Mukadzi anoshungurudza kupfuura rufu akaita semambure emuvhimi, mwoyo wake wakaita semambure ekukukudzisa, uye maoko ake akaita secheni dzemujeri. Munhu anofadza Mwari wechokwadi achatiza mukadzi iyeye,+ asi mutadzi anobatwa naye.+ 27  “Onai, izvi ndizvo zvandakawana,” anodaro muunganidzi.+ “Ndakaongorora chinhu chimwe nechimwe kuti ndiwane mhedziso yacho, 28  asi zvandaigara ndichitsvaga* handina kuzviwana. Ndakawana murume* mumwe chete pavanhu chiuru, asi handina kuwana mukadzi pavari vese. 29  Izvi chete ndizvo zvandakaona: Mwari wechokwadi akaita vanhu vakarurama,+ asi vakatsvaga mazano akawanda.”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Mukurumbira wakanaka uri.”
ChiHeb., “Zita.”
Kana kuti “yemafaro.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “kugumbuka chiratidzo chebenzi.”
ChiHeb., “kugumbuka pamweya wako.”
Kureva, vapenyu.
Kana kuti “zvaitsvagwa nemweya wangu.”
Kana kuti “murume akarurama.”