Tsamba kuvaEfeso 2:1-22
2 Uyezve, Mwari akakuitai vapenyu, kunyange makanga makafa mukudarika kwenyu nemuzvivi zvenyu,+
2 mamakambofamba maererano nenzira dzenyika ino,*+ maererano nemutongi ane simba pamhepo,+ iwo mweya+ uri kushanda iye zvino muvanakomana vasingateereri.
3 Tese taimbova pakati pavo tichizvibata maererano nezvido zvenyama yedu,+ tichiita zvinhu zvaidiwa nenyama uye zvataifunga,+ uye takazvarwa tiri vana vekuitirwa hasha+ sevamwe vanhu vese.
4 Asi Mwari, nengoni dzake huru,+ nekuda kwerudo rwake rukuru rwaakatida narwo,+
5 akaita kuti tive vapenyu pamwe naKristu, kunyange patakanga takafa mukudarika;+ uye imi makaponeswa nekungonzwirwawo nyasha.
6 Uyezve akatimutsa pamwe chete akatigarisa pamwe chete munzvimbo dzekudenga tiri pamwe naKristu Jesu,+
7 kuti munguva dzinouya* aratidze pfuma inopfuura zvinhu zvese yenyasha dzake pakutifarira kwaakaita tiri pamwe naKristu Jesu.
8 Imi makaponeswa nenyasha idzi kuburikidza nekutenda,+ uye izvi hazvina kuitika nekuda kwenyu, asi chipo chaMwari.
9 Hazvina kubva pamabasa,+ zvekuti pangava nemunhu angazvirumbidza.
10 Tiri basa remaoko aMwari* uye takasikwa+ tiri pamwe naKristu Jesu+ kuti tiite mabasa akanaka, atakagara tarongerwa naMwari kuti tizofamba maari.
11 Saka yeukai kuti imi vanhu vemamwe marudzi panyama, ndimi maimbonzi “vasina kuchecheudzwa” pamaidanwa nevaya vanonzi “vakachecheudzwa,” izvo zvakaitwa panyama nemaoko evanhu.
12 Panguva iyoyo makanga musina Kristu, makaparadzaniswa nerudzi rwevaIsraeri, musingazivikanwi pasungano dzevimbiso;+ makanga musina tariro uye makanga musina Mwari panyika.+
13 Asi iye zvino sezvo mava pamwe naKristu Jesu, imi maimbova kure, masvika pakuva pedyo kuburikidza neropa raKristu.
14 Nekuti iye ndiye rugare rwedu,+ uyo akaita kuti mapoka maviri ave rimwe chete,+ akaparadza rusvingo rwaiva pakati rwaiaparadzanisa.+
15 Achishandisa nyama yake akabvisa ruvengo rwaivapo, iwo Mutemo waiumbwa nemirayiro nemirau, kuti aite kuti mapoka acho maviri ari pamwe naye ave munhu mumwe chete mutsva,+ uye kuti aite kuti pave nerugare,
16 uye kuti ayananise zvakazara mapoka acho ari maviri naMwari mumuviri mumwe chete kuburikidza nedanda rekutambudzirwa,*+ nekuti akanga aparadza ruvengo+ achishandisa muviri wake.
17 Uye akauya ndokuzivisa mashoko akanaka erugare kwamuri imi maiva kure, uye rugare kune vaya vaiva pedyo,
18 nekuti kuburikidza naye, isu mapoka acho maviri, tinosvika kuna Baba takasununguka nemweya mumwe.
19 Saka hamusisiri vanhu vasingazivikanwi uye vatorwa,+ asi mava vagari pamwe chete+ nevatsvene uye mava nhengo dzeimba yaMwari,+
20 uye makavakwa pafaundesheni dzevaapostora nevaprofita,+ Kristu Jesu ari dombo repakona refaundesheni yacho.+
21 Chivakwa chese chiri kubatanidzwa pamwe naye,+ uye chiri kukura kuva temberi tsvene yaJehovha.*+
22 Nemiwo, pamuri pamwe naye, muri kuvakwa pamwe chete kuti muve nzvimbo yekuti Mwari agare kuburikidza nemweya.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “nemamiriro ezvinhu enyika ino.”
^ Kana kuti “mumamiriro ezvinhu anouya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Tiri zvibereko zvebasa rake.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.