Zvirevo 7:1-27
-
Chengeta mirayiro yaMwari urarame (1-5)
7 Mwanakomana wangu, chengeta zvandinotaura,Uye chengetedza mirayiro yangu.+
2 Chengeta mirayiro yangu urarame;+Chengetedza mutemo wangu* semboni yeziso rako.
3 Zvisungirire paminwe yako;Zvinyore pahwendefa remwoyo wako.+
4 Udza uchenjeri kuti, “Ndiwe hanzvadzi yangu,”
Uye dana kunzwisisa kuti “hama yangu,”
5 Kuti zvikurinde pamukadzi asingazvibati,*+Pamukadzi nzenza* nepamashoko ake anotapira.*+
6 Ndakatarisa pasi nepahwindo remba yangu,Nepahwindo remaburi maburi,
7 Uye pandaitarisa vanhu vakapusa,*Ndakacherechedza pakati pevechidiki rimwe jaya risina pfungwa.*+
8 Rakapfuura nemugwagwa uri pedyo nepakona yake,Uye rakafamba rakananga nekumba kwake
9 Munguva yerubvunzavaeni, kumanheru,+Zuva richangovira, kwava kutanga kusviba.
10 Ndakabva ndaona mumwe mukadzi achiuya kuzosangana naro,Akapfeka sepfambi,*+ aine unyengeri mumwoyo make.
11 Anotaura nenzwi riri pamusoro uye haana chaanotya.+
Haambogari* pamba.
12 Unomuona ari kunze, pasina nguva wozoona ava mumisika,Anomira-mira mumakona ese.+
13 Anoribata, oritsvoda;Nechiso chisinganyari, anoti kwariri:
14 “Ndapa zvibayiro zverugare.+
Nhasi ndaripa mhiko dzangu.
15 Ndokusaka ndabuda kuzosangana newe,Kuti ndikutsvage, saka ndabva ndakuwana!
16 Ndawaridza machira akanaka pamubhedha wangu,Machira ekuIjipiti ane mavara mavara.+
17 Ndasasa mura, arosi, nesinamoni pamubhedha wangu.+
18 Uya tigutswe nerudo kusvikira mangwanani;Ngatinakidzwei nekupanana rudo runopisa,
19 Nekuti murume wangu haapo;Akafamba rwendo rurefu.
20 Akaenda nehomwe yemari,
Uye achatozodzoka kana rava jenaguru.”
21 Anoritsausa nekugona kwake kunyengetedza.+
Anoritsvetera nekutaura kunotapira.
22 Rinobva rangomutevera semombe iri kunourayiwa,Sebenzi riri kunorangwa muzvisungo zvematanda,*+
23 Kusvikira museve watsemura chiropa charo;Rinoita seshiri inomhanyira muchiteyeso, risingazivi kuti zvichariurayisa.*+
24 Saka imi vanakomana vangu, nditeererei;Teererai zvandinotaura.
25 Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake.
Usarasikira mumakwara ake,+
26 Nekuti akadonhedza vakawanda vachifa,+Uye vaakauraya vakawandisa.+
27 Imba yake inosvitsa kuGuva;*Inodzika kusvika kudzimba dzemukati dzerufu.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “zvandinokudzidzisa.”
^ Kana kuti “anokwezva.”
^ Kana kuti “vasati vava nezvavanoziva.”
^ Kana kuti “njere.”
^ Kana kuti “Aine nguo yepfambi.”
^ ChiHeb., “Tsoka yake haimbogari.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “zvichaurayisa mweya waro.”
^ Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.