Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Misi Nemakore Ezviri muBhaibheri

Misi Nemakore Ezviri muBhaibheri
  1. “Pakutanga . . . ”

  2. 4026 B.C.E. Kusikwa kwaAdhamu

  3. 3096 B.C.E. Kufa kwaAdhamu

  4. 2370 B.C.E. Mafashamo anotanga

  5. 2018 B.C.E. Abrahamu anoberekwa

  6. 1943 B.C.E. Sungano yaAbrahamu

  7. 1750 B.C.E. Josefa anotengeswa somuranda

  8. 1613 B.C.E. asati asvika Jobho anoedzwa

  9. 1513 B.C.E. Kubuda muIjipiti

  10. 1473 B.C.E. VaIsraeri vanopinda muKenani vachitungamirirwa naJoshua

  11. 1467 B.C.E. VaIsraeri vanopedza kutora chikamu chikuru cheKenani

  12. 1117 B.C.E. Sauro anozodzwa samambo

  13. 1070 B.C.E. Mwari anovimbisa Dhavhidhi Umambo

  14. 1037 B.C.E. Soromoni anova mambo

  15. 1027 B.C.E. Temberi yomuJerusarema inopera

  16. munenge muna 1020 B.C.E. Rwiyo rwaSoromoni runopera

  17. 997 B.C.E. Israeri inokamurwa kuva umambo huviri

  18. munenge muna 717 B.C.E. Kuunganidzwa kweZvirevo kunopera

  19. 607 B.C.E. Jerusarema rinoparadzwa; utapwa hwokuBhabhironi hunotanga

  20. 539 B.C.E. Bhabhironi rinokundwa naKoreshi

  21. 537 B.C.E. Nhapwa dzechiJudha dzinodzokera kuJerusarema

  22. 455 B.C.E. Masvingo eJerusarema anovakwazve; vhiki 69 dzemakore dzinotanga

  23. Pashure pa443 B.C.E. Maraki anopedza bhuku rake rouprofita

  24. munenge muna 2 B.C.E. Kuberekwa kwaJesu

  25. 29 C.E. Jesu anobhabhatidzwa uye anotanga kuparidza nezvoUmambo hwaMwari

  26. 31 C.E. Jesu anosarudza vaapostora vake 12; anopa Mharidzo yepaGomo

  27. 32 C.E. Jesu anomutsa Razaro

  28. Nisani 14, 33 C.E. Jesu anorovererwa (Nisani anoenderana nechikamu chaMarch nechaApril)

  29. Nisani 16 , 33 C.E. Jesu anomutswa

  30. Sivhani 6, 33 C.E. Pendekosti; kudururwa kwomudzimu mutsvene (Sivhani anoenderana nechikamu chaMay nechaJune)

  31. 36 C.E. Koneriyasi anova muKristu

  32. munenge muna 47-48 C.E. Rwendo rwokutanga rwaPauro rwokuparidza

  33. munenge muna 49-52 C.E. Rwendo rwechipiri rwaPauro rwokuparidza

  34. munenge muna 52-56 C.E. Rwendo rwechitatu rwaPauro rwokuparidza

  35. munenge muna 60-61 C.E. Pauro anonyora tsamba ari musungwa muRoma

  36. 62 C.E. asati asvika Jakobho munin’ina waJesu nokuna amai anonyora tsamba yake

  37. 66 C.E. VaJudha vanomukira Roma

  38. 70 C.E. Jerusarema netemberi yaro zvinoparadzwa nevaRoma

  39. munenge muna 96 C.E. Johani anonyorwa Zvakazarurwa

  40. munenge muna 100 C.E. Kufa kwaJohani, wokupedzisira pavaapostora