CHIKAMU 15
Muprofita Ari Muutapwa Anoratidzwa Ramangwana Muchidimbu
Dhanieri anoprofita nezvoUmambo hwaMwari uye nezvokuuya kwaMesiya. Bhabhironi rinowa
DHANIERI, wechiduku akanga akaperera zvinoshamisa akaendeswa kuBhabhironi senhapwa Jerusarema risati raparadzwa. Iye nevamwe vaJudha
Dhanieri anoudzwa kuti Mesiya aizosvika rini. Dhanieri akaudzwa kuti vanhu vaMwari vaizotarisira rini kusvika kwa“Mesiya Mutungamiriri”
Mesiya aizova Mambo mudenga. Mune zvaakaratidzwa zvisina kujairika nezvedenga pacharo, Dhanieri akaona Mesiya, anotaurwa so“mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu,” achisvika pachigaro choumambo chaJehovha pachake. Jehovha akamupa “ushe nokukudzwa noumambo.” Umambo ihwohwo hwaizoramba huripo nokusingaperi. Dhanieri akaudzwa zvimwe zvakawanda zvinonakidza nezvoUmambo hwaMesiya—Mambo wacho achava nevamwe vaanotonga navo, boka rinotaurwa se“vatsvene vaIye Mukurusa.”
Umambo hwacho huchaparadza hurumende dzenyika ino. Mwari akaita kuti Dhanieri akwanise kududzira chiroto chakavhiringidza Nebhukadhinezari, mambo weBhabhironi. Mambo akanga aona chifananidzo chihombe chaiva nomusoro wendarama, chipfuva nemaoko zvesirivha, dumbu nezvidya zvemhangura, makumbo esimbi, uye tsoka dzesimbi yakasanganiswa neivhu. Dombo rakacherwa kubva mugomo rakarova tsoka dzacho dzakanga dzisina kusimba ndokuparadza chifananidzo chacho chikaita kunge upfu. Dhanieri akatsanangura kuti zvikamu zvechifananidzo chacho zvaimiririra kutevedzana kwemasimba enyika, kutanga neBhabhironi richimiririrwa nomusoro wendarama. Dhanieri akafanoona kuti munguva yesimba rokupedzisira raizotonga nyika ino yakaipa, Umambo hwaMwari hwaizoita chimwe chinhu. Hwaizoparadza hurumende dzose dzenyika ino. Zvadaro, hwaizotonga nokusingaperi.
Dhanieri akanga achembera zvikuru uye akararama ndokuona kuwa kweBhabhironi. Mambo Koreshi akakunda guta racho sezvakanga zvafanotaurwa nevaprofita. Pasina nguva, vaJudha vakanga vazosunungurwa kubva muutapwa
—Kubva mubhuku raDhanieri.