Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 7

Mwari Anonunura Vanakomana vaIsraeri

Mwari Anonunura Vanakomana vaIsraeri

Jehovha anorova Ijipiti nematambudziko, uye Mosesi anotungamirira vanakomana vaIsraeri kubva munyika iyoyo. Mwari anopa Israeri Mutemo achishandisa Mosesi

KWEMAKORE akawanda, vanakomana vaIsraeri vakagara muIjipiti, vachibudirira uye vachiwanda. Zvisinei, mumwe Farao mutsva akatanga kutonga. Mutongi uyu akanga asingazivi Josefa. Mutongi uyu ainge aine utsinye aitya vaIsraeri vakanga vawandisa, saka akavaita varanda uye akarayira kuti vanakomana vavo vose vakanga vachangozvarwa vakandwe muRwizi rwaNire. Asi vamwe amai vainge vakashinga vakadzivirira mwanakomana wavo aiva mucheche, vachimuviga mutswanda pakati petsanga. Mwanasikana waFarao akawana mwana wacho, akamupa zita rokuti Mosesi, uye akamurera mumhuri yeumambo hweIjipiti.

Mosesi paakanga ava nemakore 40, akapinda munyatwa paakadzivirira muranda wechiIsraeri airohwa nemuIjipiti aiva mukuru webasa. Mosesi akatizira kunyika iri kure zvikuru, kwaakagara ari mupoteri. Mosesi paakanga ava nemakore 80, Jehovha akamuudza kuti adzokere kuIjipiti oenda kuna Farao kunomurayira kuti asunungure vanhu vaMwari.

Farao akaramba zvakasimba. Saka Mwari akarova Ijipiti nematambudziko gumi. Pose paienda Mosesi pamberi paFarao kuti amupe mukana wokudzivisa dambudziko raitevera, Farao akaratidza kusindimara, achizvidza Mosesi naMwari wake Jehovha. Pakupedzisira, dambudziko rechigumi rakauraya matangwe ose emunyika yacho, kunze kweemhuri dzakateerera Jehovha ndokusasa ropa regwayana rechibayiro pamagwatidziro adzo. Ngirozi yaMwari yakauya kuzouraya matangwe ose yakadarika dzimba idzodzo. Pashure peizvozvo, vaIsraeri vakapemberera kununurwa uku kunoshamisa nokuva nomutambo waiitwa gore negore wainzi Paseka.

Pashure pokunge mwanakomana wake wedangwe afa, Farao akarayira Mosesi nevaIsraeri vose kuti vabude muIjipiti. Vakakurumidza kuronga kuti vabude muIjipiti vakawanda. Asi Farao akazvidemba kuti akanga avaudza kuti vaende. Akavatevera aine varwi vakawanda nengoro. VaIsraeri vakaita sevakanga vava parumananzombe pamhenderekedzo peGungwa Dzvuku. Jehovha akapatsanura Gungwa Dzvuku, akaita kuti vaIsraeri vapfuure nepanyika yakaoma, pakati pemadziro emvura! VaIjipiti pavakadirana vachivatevera, Mwari akarega mvura ichikoromoka, ndokunyudza Farao neuto rake.

Pave paya, vaIsraeri pavakanga vadzika misasa paGomo reSinai, Jehovha akaita sungano navo. Achishandisa Mosesi semurevereri, Mwari akapa vaIsraeri mitemo kuti ivatungamirire uye ivadzivirire mumararamiro avo ose. Chero bedzi vaIsraeri vaibvuma nokutendeseka kutonga kwaMwari, Jehovha aizova navo uye aizoita kuti rudzi irworwo ruve chikomborero kune vamwe.

Zvisinei, vaIsraeri vazhinji vakagumbura Mwari nokusatenda kwavo. Nokudaro, Jehovha akaita kuti chizvarwa ichocho chidzungaire murenje kwemakore 40. Pashure paizvozvo, Mosesi akagadza murume akarurama Joshua kuti amutsive. Pakupedzisira, vaIsraeri vakanga vagadzirira kupinda munyika yakanga yapikirwa Abrahamu naMwari.

—Kubva muna Eksodho; Revhitiko; Numeri; Dheuteronomio; Pisarema 136:10-15; Mabasa 7:17-36.