Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kurarama Nekusingaperi Panyika

Unogona Kurarama Nekusingaperi Panyika

ITARIRO INOFADZA! Musiki wedu akavimbisa kutipa upenyu husingaperi, pano panyika. Asi vakawanda havazvibvumi. Vanoti, ‘Munhu wese agara achangofa nekuti ndiwo marongerwo azvakaitwa.’ Vamwe vanobvuma kuti zvinoita kurarama nekusingaperi, asi kwete pano panyika. Vanoti kana munhu afa ndipo paanozorarama nekusingaperi kudenga. Unofungei?

Usati wapindura chimbonzwa zvinotaurwa neBhaibheri nezvemibvunzo mitatu iyi: Masikirwo akaitwa munhu anoratidza kuti aifanira kurarama kwenguva yakareba sei? Mwari akasikirei nyika nevanhu? Chii chinoita kuti vanhu vafe?

MASIKIRWO AKAITWA MUNHU

Pazvinhu zvese zvakasikwa naMwari panyika, vanhu vakasikwa nenzira inoshamisa. Pakudii? Bhaibheri rinotaura kuti vanhu ndivo vega vakasikwa “nomufananidzo” waMwari uye ‘vakafanana’ naye. (Genesisi 1:26, 27) Zvinorevei izvozvo? Zvinoreva kuti vanhu vane unhu hwakaita sehwaMwari hwakadai serudo uye kuda zvakarurama.

Uyewo, vanhu vakapiwa pfungwa dzinokwanisa kufunga, vanokwanisa kuziva zvakanaka nezvakaipa uye vanokwanisa kuva shamwari dzaMwari. Ndosaka tichikwanisa kuona kunaka kwakaita nyika uye zvinhu zvakasikwa, kunakidzwa nemimhanzi uye nhetembo. Chikuru chacho ndechekuti vanhu vanokwanisa kunamata Musiki. Izvi zvinoita kuti pave nemusiyano mukuru pakati pevanhu nezvimwe zvisikwa zviri panyika.

Saka chimbofunga izvi: Mwari aizosika vanhu vaine unhu uhwu hwakanaka uye vachikwanisa kuita zvinotopfuura ipapo kuti vazongorarama kwemakore mashoma here? Chokwadi ndechekuti Mwari aida kuti tinakidzwe nekurarama nekusingaperi pano panyika.

MWARI AKASIKIREI NYIKA NEVANHU?

Vamwe vanoti Mwari haana kusika vanhu kuti vararame nekusingaperi panyika. Vanoti pasi idandaro, inzvimbo yekuedza vanhu kuti paonekwe kuti ndevapi vakakodzera kuzonorarama kudenga naMwari. Asi kudai ichi chaiva chokwadi, hazvaizoita sekunge kuti Mwari ndiye ari kukonzera zvinhu zvakaipa zvakazara panyika here? Izvozvo zvakanyatsosiyana nezvakaita Mwari. Bhaibheri rinoti: “Nzira dzake dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira; iye akarurama uye akatendeseka.”​—Dheuteronomio 32:4.

Bhaibheri rinotaura chinangwa chaMwari chaakasikira nyika. Rinoti, “Kana ari matenga, matenga ndeaJehovha, asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.” (Pisarema 115:16) Mwari akasika nyika kuti ive musha wakanaka wevanhu nekusingaperi uye akaiisa zvinhu zvinoita kuti tinakidzwe neupenyu.​—Genesisi 2:8, 9.

“Kana ari matenga, matenga ndeaJehovha, asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.”​—Pisarema 115:16

Bhaibheri rinotaurawo chinangwa chaMwari chaakasikira vanhu. Akaudza vanhu vekutanga kuti ‘vazadze nyika, vaikurire, vave nesimba pazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.’ (Genesisi 1:28) Vaiva nechikomborero chekuita kuti nyika yese ive Paradhiso! Adhamu naEvha nevana vavaizobereka vaizorarama nekusingaperi pano panyika, kwete kudenga.

NEI TICHIFA?

Chii chinoita kuti tife? Bhaibheri rinotaura kuti imwe ngirozi yaMwari, iyo yakazonzi Satani Dhiyabhorosi, yakaedza kukanganisa zvakanga zvarongwa naMwari. Yakazviita sei?

Satani akafurira Adhamu naEvha kuti vapandukire Mwari. Akavaudza kuti Mwari aivanyima kodzero yekuti vazvisarudzire zvakanaka nezvakaipa vachibva vatozvibvuma ndokupandukira Mwari. Zvakaguma nei? Nekufamba kwenguva vakazofa sezvakanga zvataurwa naMwari. Vakabva varasikirwa netariro yekurarama nekusingaperi muParadhiso pano panyika.​—Genesisi 2:17; 3:1-6; 5:5.

Kupanduka kwakaita Adhamu naEvha kwaita kuti vanhu vese vatambure. Bhaibheri rinoti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose.” (VaRoma 5:12) Tiri kufa nekuti tine chivi chakabva kuvabereki vedu vekutanga, kwete kuti Mwari akagara azvironga.

UNOGONA KURARAMA NEKUSINGAPERI PANYIKA

Kupanduka kwakaitika muEdheni hakuna kubva kwaita kuti chinangwa chaMwari chichinje. Sezvo Mwari aine rudo uye achitonga zvakarurama, akabva aronga kutinunura kubva muuranda hwechivi nerufu. Muapostora Pauro akati: “Mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu ndihwo upenyu husingaperi.” (VaRoma 6:23) Nekuti anotida, Mwari “akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga [Jesu Kristu], kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Kuzvipira kwakaita Jesu kuti atifire kwakaita kuti tikwanise kuzorarama upenyu hwakaraswa naAdhamu. *

Kwasara nguva pfupi kuti chinangwa chaMwari chizadzike. Unogona kurarama muParadhiso kana ukateerera mashoko aJesu ekuti: “Pindai nepagedhi rakamanikana; nokuti mugwagwa wakafara uye wakapamhama unoenda mukuparadzwa, uye vazhinji ndivo vanopinda nawo; asi gedhi rakamanikana uye mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.” (Mateu 7:13, 14) Zvauchasarudza ndizvo zvichaumba ramangwana rako. Uchasarudzei?

^ ndima 17 Kuti unzwe zvakawanda nezvekubatsirwa kwaungaitwa nerudzikinuro, ona chitsauko 5 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Rinowanikawo pawebsite yedu inonzi www.mt1130.com.