Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Machechi

Machechi

Nei kuine machechi akawanda?

“Munobatisisa tsika yevanhu muchirega murayiro waMwari.”Mako 7:8.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Vanhu vagara vaine chido chokunamata Mwari. (Mateu 5:3) Saka vari kupedzisira vamutsa machechi akawanda anodzidzisa zvomumusoro mavo panzvimbo pezvinodiwa naMwari.

Bhaibheri richitaura nezvevaiva muchitendero chaivapo mumazuva akatanga chiKristu rinoti: “Vanoshingairira kushumira Mwari; asi havazviiti maererano nezivo yakarurama. Nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari, asi vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo.” (VaRoma 10:2, 3) Mazuva anowo, machechi akawanda ari ‘kudzidzisa mirayiro yevanhu.’Mako 7:7.

Zvine basa here kuti munhu ave nechechi yaanopinda?

“Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu.”VaHebheru 10:24, 25.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Pana VaHebheru 10:25 pane mashoko anoti ‘tisarega kuungana.’ Izvi zvinoreva kuti Mwari anoda kuti vanhu vamunamate vakaungana. Saka zvinoreva here kuti mutendi mumwe nomumwe anofanira kuita zvaanofunga kuti ndizvo zvinodiwa naMwari? Aiwa. Bhaibheri rinoti vanonamata Mwari munzira yaanoda vanofanira ‘kutaura vachibvumirana’ uye vakabatana “mupfungwa imwe chete nomukufunga kumwe chete.” (1 VaKorinde 1:10) Sezvo vatendi ava vaizenge vakapararira munyika yose, vaizofanira kurongwa kuva ungano uye vaizofanira kuratidzirana rudo sesangano rehama. (1 Petro 2:17; 1 VaKorinde 11:16) Kubatana pakunamata uye kuita zvinhu zvakarongeka uku ndiko kunoita kuti Mwari afare.

Tingaziva sei chechi yechokwadi?

“Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”Johani 13:35.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Bhaibheri richitaura nezvemaziviro atingaita vanamati vechokwadi rinoti: “Muchavaziva nezvibereko zvavo. Vanhu vanombotanha mazambiringa paminzwa kana maonde parukato here?” (Mateu 7:16) Zviri nyore kuziva musiyano uri pakati peminzwa nemagirepi, saka hazvinawo kuoma kuziva kuti chechi yechokwadi ndeipi. Ungaziva sei kana chechi iri yechokwadi?

  • Chechi yechokwadi inodzidzisa chokwadi chinowanika muShoko raMwari Bhaibheri. (Johani 4:24; 17:17) Havadzidzisi zvomumusoro mavo.

  • Inobatsira vanhu kuti vazive zvinodiwa naMwari, kusanganisira kuvadzidzisa kuti zita raMwari ndiJehovha.Johani 17:3, 6.

  • Inoti Umambo hwaMwari ndihwo huchapedza matambudziko atiri kusangana nawo, kwete hurumende dzepanyika.Mateu 10:7; 24:14.

  • Inodzidzisa vanhu kuti vave norudo rwechokwadi. (Johani 13:35) Inodzidzisa vanhu kuti vasatarisire vamwe pasi asi kuti vashandise nguva yavo, mari nezvimwewo pakubatsira vamwe uye kuti vasapindire panoitika hondo.Mika 4:1-4.

  • Vanhu vari muchechi yechokwadi vanooneka nemararamiro avanoita mazuva ose kwete musi wavanoenda kuchechi. Zvavanodzidzisa ndizvo chaizvo zvavanoita.VaRoma 2:21; 1 Johani 3:18.

Zvapupu zvaJehovha, vanova ndivo varidzi vemagazini ino, vanoedza chaizvo kutaura uye kuita mabasa zvinoita kuti Mwari aremekedzwe. Wadii kumbonamata navo paImba yoUmambo yavo uzvionere kuti vanonamata sei?