Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Denga

Denga

Vanhu vanotaura zvakasiyana-siyana nezvedenga uye vanoitisana nharo pamusoro penyaya iyi. Asi zvinodzidziswa neBhaibheri zvakasiyana chaizvo nezvakadzidziswa vanhu vakawanda.

Chii chinonzi denga?

ZVINOTAURWA NEVANHU

Vanhu vanotenda zvakasiyana-siyana pamusoro pedenga. Semuenzaniso:

  • Vanhu vakawanda vanozviti vaKristu vanobvumirana nezvinotaurwa nebhuku rinonzi New Catholic Encyclopedia, iro rinotaura kuti denga “musha unoenda vanhu vakakomborerwa vanenge vafa munaShe.”

  • Rabhi anonzi Bentzion Kravitz anoti chitendero chechiJudha chinonyanya kukoshesa zvinoitika kana munhu achiri mupenyu kupfuura zvinozoitika kana afa. Asi anotaurawo kuti “mweya paunenge wava kudenga unobva wawana mufaro mukuru kwazvo—mweya wacho unenge wava kunzwisisa zvinhu zvakawanda uye unenge wava pedyo naMwari kupfuura zvawaiva.” Kravitz anobvumawo kuti “kunyange zvazvo vechitendero chechiJudha vachitenda kuti kune denga, bhuku ravo rinonzi Torah haritauri zvakawanda nezvedenga.”

  • Vanhu vechitendero chechiHindu nechechiBhudha vane manzwisisiro avanoitawo. Vanoti denga inzvimbo inotanga kuendwa nemunhu inozoita kuti aberekwe patsva panyika kana kuti azosvika pakuva mumamiriro ezvinhu ari nani kupfuura denga avanoti, Nirvana.

  • Vamwewo havatombodi kunzwa nyaya yedenga inodzidziswa muzvitendero uye vanototi haina kana musoro uye ndeyevanhu vanofunga sevana.

Vanhu vanotaura zvakasiyana-siyana nezvedenga

ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI

MuBhaibheri, shoko rokuti “denga” rinoreva zvakawanda. Semuenzaniso:

  • Genesisi 1:20 inotaura nezvekusikwa kweshiri ‘dzinobhururuka pamusoro penyika pakatarisana nenzvimbo huru yematenga.’ Murugwaro urwu, shoko rokuti “matenga” rinoreva denga ratinoona nemaziso edu.

  • Isaya 13:10 inotaura nezvenyeredzi “dzokumatenga nemapoka adzo”—kureva muchadenga munowanika nyeredzi.

  • Bhaibheri rinotaura kuti Mwari anogara “kumatenga” uye rinoti kune ‘ngirozi dziri kudenga.’ (1 Madzimambo 8:30; Mateu 18:10) Mashoko aya okuti “kumatenga” uye “kudenga” haasi okufananidzira asi anotoreva nzvimbo chaiyo yokugara. *

“Tarirai muri kudenga, muone muri panzvimbo yenyu yokugara yakakwirira youtsvene norunako.”Isaya 63:15.

Vanhu vose vanoita zvakanaka vanoenda kudenga here kana vafa?

Bhaibheri haridzidzisi kuti pasi idandaro. Rinonyatsojekesa kuti Mwari paakasika vanhu, akanga asina chinangwa chekuti vazofa. Chimbofunga izvi:

  • Mwari akaudza murume nomukadzi vokutanga kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika.” (Genesisi 1:28) Nyika yakasikwa kuti ive musha uchagarwa nevanhu nokusingaperi. Kusateerera Mwari ndiko kwega kwaizoita kuti murume nomukadzi vokutanga vafe. Zvinosuwisa kuti havana kumuteerera.Genesisi 2:17; 3:6.

  • Kusateerera kwakaitwa nevanhu ivavo vokutanga kwakaita kuti ivo vafe uye kwakaita kuti vana vavo vafewo. (VaRoma 5:12) Izvi zvakabva zvaita kuti vanhu vasare vasina tariro yeramangwana here?

  • Bhaibheri rinotaura kuti “kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira.” * (2 Petro 3:13) Achishandisa Umambo hwake, Mwari achaita kuti nyika ive sezvaaida pakutanga uye “rufu haruchazovipo.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Upenyu uhwu huchawanika kudenga here kana kuti pasi pano? Kuti chinhu chizonzi ‘hachisisipo’ chinofanira kunge chaimbovapo. Asi kudenga hakuna kumbobvira kwafiwa. Saka zvine musoro kuti titi vhesi iyi iri kutaura zvichaitika pano panyika, patakasikirwa kuti tigare uye patinoshuva kugara nehama dzedu neshamwari. Bhaibheri rinoratidza kuti vakafa vachamutswa vovazve nehama dzavo neshamwari.Johani 5:28, 29.

Vanhu vakawanda vakafara chaizvo pavakadzidza zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri nezvedenga. Semuenzaniso, mumwe murume aimbopinda chechi yeRoma anonzi George anoti: “Ndakanyaradzwa chaizvo pandakaziva zvinodzidziswa neBhaibheri nezvekurarama panyika. Zvandakadzidza zvaiva nemusoro pane zvekuenda kudenga.” *

“Kana ari matenga, matenga ndeaJehovha, asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.”Pisarema 115:16.

^ ndima 13 Mwari haaoneki. (Johani 4:24) Saka nzvimbo yaanogara haioneki uye yakasiyana nedenga ratinoona nemaziso.

^ ndima 19 Mashoko okuti “nyika itsva” haarevi kuti nyika ichasikwa patsva, asi anoreva vanhu vanenge vatenderwa naMwari kuti vararame panyika.Pisarema 66:4.

^ ndima 20 Bhaibheri rinodzidzisa kuti muUmambo hwaMwari, vanhu 144 000 chete ndivo vachanotonga naJesu kudenga.1 Petro 1:3, 4; Zvakazarurwa 14:1.