NYIKA YAZARA NEMATAMBUDZIKO
3 | Simbisa Ushamwari Hwako Nevamwe
NEI ZVICHIKOSHA?
Kuwedzera kuri kuita matambudziko munyika kuri kuita kuti vakawanda vapedzisire vasisina ushamwari hwakasimba nevamwe.
-
Vamwe vanopedzisira vasingachatauri neshamwari dzavo.
-
Varume nemadzimai mudzimba vanopedzisira vasisawirirani.
-
Vabereki vanopedzisira vasisina hanya nezviri kusangana nevana vavo.
Zvaunofanira Kuziva
-
Kuva neshamwari kwakanaka nekuti kunotibatsira kuti tive neutano hwakanaka uye kuti tisanyanya kunetseka zvinhu pazvinooma.
-
Kunetseka nezviri kuitika munyika kunogona kukonzera matambudziko amanga musingambofungiri mumhuri.
-
Nhau dzezvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika dzinogona kuvhiringidza vana venyu kupfuura zvamungafungira.
Zvaunogona Kuita Iye Zvino
Bhaibheri rinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.
Shamwari dzinogona kutibatsira uye kutipa mazano akanaka. Kungoziva kuti pane mumwe munhu anokuda uye ane hanya newe kunogona kukubatsira kutsungirira matambudziko auri kusangana nawo.