VANHU VACHAPARADZA NYIKA HERE?
Mhepo
MHEPO inotibatsira kuti tiwane mweya wekufema. Asi inotidzivirirawo kuti tisakuvadzwa nemwaranzi inobva kuzuva. Kudai pasina mhepo, kunze kwaizotonhora zvakanyanya zvekuti zvinhu zvaizooma nechando.
Kukanganiswa Kuri Kuitwa Mhepo
Kusvibiswa kuri kuitwa mhepo kunogona kutoparadza zvinhu zvipenyu panyika. Pavanhu vari panyika, 1% chete ndivo vari kufema mhepo inonzi yakachena nesangano rinoona nezveutano reWorld Health Organization.
Kusvibiswa kuri kuitwa mhepo kunokonzera zvirwere zvinotadzisa vanhu kufema zvakanaka, kenza yemapapu nezvirwere zvemwoyo. Kunokonzerawo kuti vanhu vanenge 7 000 000 vakurumidze kufa gore rega rega.
Nyika Yedu Yakasikwa Kuti Irambe Iripo Nekusingaperi
Nyika yedu yakasikwa ichikwanisa kuita kuti zvinhu zvese zvipenyu zviri pairi zviwane mhepo yakachena yekufema. Asi inongokwanisa kuita izvi kana vanhu vakangwarira kuti vasanyanya kusvibisa nharaunda. Ona zvinotevera.
-
Zvinotozivikanwa kuti masango anokwanisa kutora carbon dioxide mumhepo. Asi vanhu vakawanda havazivi kuti miti inonzi mangrove iyo inowanika mumachakwi pedyo nemhenderekedzo dzegungwa inototora carbon dioxide yakawanda kupfuura masango. Miti iyi iri mumachakwi inokwanisa kutora carbon dioxide inopeta ka5 inotorwa nemasango.
-
Ongororo dzichangobva kuitwa dzinoratidza kuti mamwe mazerere akakura akadai sekelp anotora carbon dioxide mumhepo. Mamwe mazerere acho akaita kunge mashizha. Mazerere iwayo ane tuhomwe tunenge twakazara mhepo uye izvi zvinoita kuti ayangarare mumvura kwemadaro marefu. Kana ava kure nekumhenderekedzo yegungwa, tuhomwe twacho twunoputika uye kelp yacho, iyo inenge yakazara carbon dioxide inobva yaenda pasi pegungwa. Zviri pachena kuti kelp yacho inoramba iri pasi ipapo kwemazana emakore.
-
Panguva yeCOVID-19 zvakanyatsooneka kuti mhepo yakapoteredza nyika inokwanisa kuchena zvakare. Muna 2020, mafekitari akawanda paakanga asiri kushanda uye motokari dzisiri kufamba, mhepo yakanga yava kutoita ichichena munguva pfupipfupi. Maererano nemushumo unonzi “2020 World Air Quality Report,” nyika dzakawanda dzakaongororwa dzakati mhepo yavo yainge yatoti chenei pakazopera lockdown.
Zviri Kuedza Kuitwa Nevanhu
Hurumende dziri kuramba dzichiudza makambani kuti aderedze kusvibiswa kwemhepo. Uyewo nyanzvi dzesainzi dziri kuramba dzichiwana nzira itsva dzekuchenesa mhepo inenge yasvibiswa. Semuenzaniso vanoshandisa tupukanana tudikidiki kuti twuchinje zvinhu zvinokuvadza zviri mumhepo kuti zvisakuvadza. Nyanzvi dzesainzi dziri kukurudzirawo vanhu kuti vafambe netsoka kana kuchovha mabhasikoro pane kushandisa motokari uye kuti vatsvage nzira dzekuderedza kushandisa kwavanoita magetsi mudzimba.
Asi mushumo wakabudiswa muna 2022 nemasangano epasi rese, kusanganisira World Health Organization neWorld Bank, unoratidza kuti pane zvimwe zvinofanira kuitwa.
Mushumo wacho wakaratidza kuti muna 2020, inenge 30% yevanhu vari pasi rese vanoshandisa zvinhu zvinosvibisa mhepo pavanobika. Munzvimbo dzakawanda, vanhu havakwanisi kutenga midziyo yekubikisa isingasvibisi mhepo kana kuti havana zvimwe zvavanogona kushandisa pakubika.
Bhaibheri Rinotii?
“Zvanzi naMwari wechokwadi, Jehovha, Musiki wedenga . . . iye akatambanudza nyika nezvibereko zvayo, iye anopa vanhu vari pairi mweya wekufema.”—Isaya 42:5.
Mwari ndiye akasika mhepo yatinofema uye akaita kuti pave nezvinhu zvinoichenesa. Anewo simba risingagumi uye anoda vanhu. Saka zvine musoro here kuti achangosiya mhepo yatinofema ichisvibiswa? Ona nyaya yakanzi “Mwari Anovimbisa Kuti Nyika Haisi Kuzoparadzwa.”