Zvinhu Zviri Muchadenga Zvinotidzidzisei?
Nyanzvi dzinoongorora zvinhu zviri muchadenga dziri kuramba dzichishamiswa nezvinhu zvadzinoona, uye vari kuramba vachigadzira mimwe michina inovabatsira pakuongorora kwavanoita. Zvii zvavakaona?
Zvinhu zviri muchadenga zvakanyatsorongeka. Imwe nyaya yakabuda mubhuku rinonzi Astronomy yakati: “Mapoka enyeredzi ari muchadenga haana kungoti mwarara asi kuti akanyatsorongeka.” Chii chinoita kuti arongeke kudaro? Nyanzvi dzesainzi dzinoti: “Pane zvinhu zviri muchadenga zvisingaoneki zvinonzi dark matter zvinoita kuti mapoka enyeredzi arongeke. Zvinhu izvi zvinonzi dark matter zvinoita sekuti zvakabata mapoka enyeredzi kuti arambe ari panzvimbo dzawo.”
Zvakafamba sei kuti zvinhu zviri muchadenga zvinge zvakarongeka kudaro? Zvingaita here kuti titi zvakangoerekana zvaitika pasina munhu akazvisika? Inzwa zvakataurwa nemumwe murume ainzi Allan Sandage. Murume uyu aiva pakati “penyanzvi dzakakurumbira dzaiongorora zviri muchadenga dzakararama makore 100 apfuura,” uye aitenda kuti Mwari ariko.
Akati: “Handifungi kuti zvinhu zvakanyatsorongeka kudaro zvinganzi zvakangoerekana zvavapo zvega. Panofanira kunge paine akazvigadzira.”
Zvakaita zvinhu zviri muchadenga zvinoita kuti panyika pararamike. Chimbofunga nezverimwe simba rinonzi nenyanzvi dzesainzi weak force. Simba iri rinoita kuti zuva rirambe richipisa zvakanaka. Kudai simba iri rakanga riri shoma, zuva raisazovapo, uye kudai ranga rakawandisa zuva ringadai rakanyangarika kare kare.
Simba iri reweak force nderimwe rezvinhu zvakawanda zvinodiwa kuti panyika pararamike. Mumwe anonyora nezvesainzi anonzi Anil Ananthaswamy anoti: “Kudai chimwe chezvinhu izvi chisiri sezvachiri, kungadai kusina nyeredzi nemapuraneti uye panyika pasingararamiki.”
Zvakaita nyika zvinoratidza kuti ndiwo musha wakakodzera vevanhu. Chinoita kuti panyika pararamike ndechekuti pane mhepo inodiwa, pane mvura yakakwana, uye makuriro akaita mwedzi anoita kuti nyika ikwanise kunyatsotenderera zvakanaka iri panzvimbo payo. Imwe nyaya yakanyorwa mubhuku rinonzi National Geographic yakaratidza kuti “zvinhu zvese zviri panyika zvinoita kuti panyika pave ipo chete panogona kuraramika.” *
Mumwe munyori akati: “Nyika yedu nemamwe mapuraneti anotenderera zuva, zviri kure nedzimwe nyeredzi.” Asi izvozvo ndizvo zvinotoita kuti panyika pararamike. Dai taigara pedyo nedzimwe nyeredzi kana kuti pakati pemamwe mapoka enyeredzi taizofa nemhaka yechiedza chakawanda chinobva panyeredzi idzodzo. Dzimwe nyanzvi dzesainzi dzinoti, “pane nyika panoita kuti tikwanise kuramba tichirarama.”
Imwe nyanzvi yesainzi inonzi Paul Davies payaitaura nezvezvakaita muchadenga yakati: “Ini handibvumi kuti zvinhu zviri muchadenga zvakangoerekana zvaitika zvega. . . . Vanhu vanofanira kunge vaine chinangwa chavanoraramira.” Nyanzvi iyi haidzidzisi kuti Mwari ndiye akasika zvinhu zviri muchadenga nepanyika, asi iwe unofungei? Zvinhu zviri muchadenga nepanyika zvinoita sezvakagadzirwa kuti zvinhu zvipenyu zvikwanise kurarama. Kungava here kuri kuti pane akaita kuti zvidaro?
^ ndima 8 Chinangwa chenyaya iyi chakanga chisiri chekuratidza kuti Mwari ndiye akasika nyika nevanhu. Chayaingotaura chete ndechekuti nyika ndiyo nzvimbo yakakodzera yekuti vanhu vararame pairi.