Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Anonzwa Sei Nekutambura Kwauri Kuita?

Mwari Anonzwa Sei Nekutambura Kwauri Kuita?

Vamwe vanhu vanofunga kuti Mwari haatombooni kutambura kwatinoita uye haana hanya nazvo.

INZWA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

  • Mwari anozviona uye ane hanya

    “Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu kwakanga kuri kuzhinji panyika . . . , akarwadziwa mumwoyo make.”​—Genesisi 6:5, 6.

  • Mwari achabvisa matambudziko ese

    “Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve; uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”​—Pisarema 37:10, 11.

  • Zvinodiwa naMwari

    “‘Ndinonyatsoziva pfungwa dzandiri kukufungirai,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘pfungwa dzorugare, kwete dzedambudziko, kuti ndikupei nguva yemberi netariro. Muchandishevedza, mouya, monyengetera kwandiri, uye ini ndichakuteererai.’”​—Jeremiya 29:11, 12.

    ‘Swedera pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo newe.’​—Jakobho 4:8.