Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungawanepi Mazano Anobatsira Mazuva Ano?

Ungawanepi Mazano Anobatsira Mazuva Ano?

Munyika ino yatiri kurarama, zvinhu zviri kungoramba zvichichinja. Saka tingava sei nechokwadi chekuti zvisarudzo zvatinoita zvichaita kuti zvitifambire zvakanaka? Ungava sei nechokwadi chekuti zvinhu zvinoonekwa sezvakanaka nhasi hazvizonzi zvakaipa mangwana?

Bhaibheri rinokubatsira kuita zvisarudzo zvausingazodembi. Nei zvakadaro? Bhaibheri rakabva kuMusiki wedu uye anoziva zvinoita kuti tive nemufaro wechokwadi uye tirarame tisina chekutya.

“Akakuudza kuti zvakanaka ndezvipi.”—Mika 6:8.

Mazano ari muBhaibheri anoshanda. Tinogona ‘kuvimba nawo, iye zvino uye nekusingaperi.’—Pisarema 111:8.

Wadii kuongorora kuti Bhaibheri ringakubatsira sei munyika ino iri kungoramba ichichinja?