Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Nyika ichabereka zvibereko zvayo; Mwari, iye Mwari wedu, achatikomborera.”—PISAREMA 67:6

Unogona Kuwana Makomborero Anobva kuMusiki

Unogona Kuwana Makomborero Anobva kuMusiki

Mwari akavimbisa Abrahamu kuti mumwe wevana vake aizoita kuti “marudzi ese epanyika” awane chikomborero. (Genesisi 22:18) Mwana iyeye aiva ani?

Anenge makore 2 000 akapfuura, Mwari akapa mumwe wevazukuru vaAbrahamu ainzi Jesu, simba rekuita zvishamiso. Zvishamiso izvi zvairatidza kuti vanhu vaizowana makomborero akavimbiswa Abrahamu pachishandiswa Jesu.—VaGaratiya 3:14.

Zvishamiso zvakaitwa naJesu zvakabatsira vanhu kuti vazive kuti ndiye akanga asarudzwa naMwari kuti akomborere vanhu, uye zvakaratidzawo makomborero achazopiwa vanhu naMwari mune ramangwana. Ngatimboonai kuti zvishamiso zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti aiva munhu akaita sei.

Aiva nemwoyo wakanaka—Jesu akarapa vairwara.

Mumwe murume aiva nemaperembudzi akakumbira Jesu kuti amuporese. Jesu akamubata achibva ati: “Ndinoda!” Maperembudzi acho akabva angonyangarika.—Mako 1:40-42.

Aiva nerupo—Jesu akapa vanhu zvekudya.

Jesu aisada kuti vanhu vafe nenzara. Kaviri akaita chishamiso chekuti zvingwa zvishoma nehove diki shoma zviwande. (Mateu 14:17-21; 15:32-38) Zviuru zvevanhu zvakadya zvikaguta uye vakatosiya zvimwe.

Aiva netsitsi—Jesu akamutsa vakafa.

‘Asiririswa,’ Jesu akamutsa mwanakomana weimwe chirikadzi. Chirikadzi iyi yaingova nemwana mumwe chete.—Ruka 7:12-15.