Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Kubvumira kwaiita Jehovha kuti vaIsraeri vape zvibayiro zvenjiva kana kuti hangaiwa kwaibatsirei?

MUMUTEMO wakapiwa Mozisi, Jehovha aibvumira kuti njiva uye hangaiwa zvipiwe sezvibayiro. Pamitemo yaitaura nezvezvibayiro, shiri idzi dzaitaurwa pamwe chete uye munhu aigona kupa imwe yacho kana asingakwanisi kuwana imwe. (Revh. 1:14; 12:8; 14:30) Izvi zvaibatsirei? Chimwe chikonzero chacho ndechekuti njiva dzaisawanika nguva dzese. Nemhaka yei?

Njiva

Shiri idzi dzinotama-tama. Dzinogara munyika yeIsrael munguva yekudziya uye dzinotama dzichienda kunyika dziri nechekumaodzanyemba kweIsrael, dzozodzoka kana kwava kuda kudziya. (Rwiyo 2:11, 12; Jer. 8:7) Izvi zvinoreva kuti vaIsraeri vaisazokwanisa kupa zvibayiro zvenjiva munguva yechando.

Hangaiwa

Asi hangaiwa hadzitami-tami, saka dzaiwanika gore rese. Uyewo vanhu vaipfuya hangaiwa. (Enzanisa naJohani 2:14, 16.) Bhuku rinonzi Bible Plants and Animals rinoti, “mumisha yese uyewo mumataundi aiva muPalestine vanhu vaipfuya hangaiwa. Misha yese yaiva nechirugu, kana kuti buri raiva pamadziro, maigona kugara shiri idzi.”—Enzanisa naIsaya 60:8.

Hangaiwa iri muburi riri pamadziro

Jehovha akaratidza kuti ane rudo uye anonzwisisa nekubvumira kwaakaita kuti vaIsraeri vape zvibayiro zveshiri dzavaikwanisa kuwana zviri nyore.