Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUNGWA YEMUBHAIBHERI

Une Kutenda Here?

Une Kutenda Here?

Kuti tifadze Jehovha, tinofanira kuva nekutenda. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti “havasi vanhu vese vane kutenda.” (2 VaT. 3:2) Muapostora Pauro paakataura mashoko aya, aitaura nezvevanhu ‘vaimukanganisa uye vakaipa’ avo vaaida kununurwa pavari. Asi mashoko ake ayo ane chekuita nekutenda anoshandawo kune vamwe vanhu. Vamwe vanhu havadi kubvuma kuti kuna Mwari akasika zvinhu zvese. (VaR. 1:20) Vamwe vangataura kuti vanotenda muna Mwari. Asi izvozvo zvega handizvo zvinodiwa kuti munhu afadze Jehovha.

Tinofanira kuva nechokwadi chekuti Jehovha ariko uye kuti “anopa mubayiro” vaya vane kutenda kwakasimba. (VaH. 11:6) Kutenda chimwe chezvibereko zvemweya mutsvene wake. Uye kuti tiwane mweya mutsvene tinofanira kunyengetera kuna Jehovha tichimukumbira. (Ruka 11:​9, 10, 13) Nzira inokosha yekuti tiwane mweya mutsvene iwoyo kuverenga Bhaibheri iro rakafemerwa naMwari. Tinobva tafunga nezvezvatinenge taverenga toedza kuzvishandisa. Kana tikaita izvi, tinenge tichibvumira mweya waJehovha kuti utibatsire kurarama nenzira inoratidza kuti tine kutenda kunomufadza.