Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Mutariri aiita basa rei munguva inotaurwa muBhaibheri?

MUNGUVA inotaurwa muBhaibheri, mutariri ndiye aiona nezvezvinhu zvaiitwa pamba kana kuti pabhizinesi remumwe munhu.

Josefa, mwanakomana waJakobho, paaiva muranda muIjipiti akava mutariri weimba yatenzi wake. Tenzi wake ‘akatoisa zvinhu zvake zvese mumaoko aJosefa.’ (Gen. 39:2-6) Josefa paakazova mutongi ane simba muIjipiti, akagadza mumwe munhu kuti ave mutariri weimba yake.​—Gen. 44:4.

Jesu paaiva panyika, vaya vaiva neminda vaiwanzogara mumaguta kure neminda yavo. Saka vaigadza vatariri vaiona nezvemabasa aiitwa zuva nezuva nevanhu vaishanda muminda iyi.

Chii chaiita kuti munhu akodzere kuva mutariri? Mumwe munyori wechiRoma akararama panguva yevaapostora ainzi Columella akapa zano pamusoro pemunhu anogadzwa kuva mutariri achiti aifanira “kutanga aoneka kuti anonyatsogona basa racho here.” Aifanira kunge ari munhu “asingasiyi vanhu vachiita zvavanoda asiwo asingavaitiri utsinye.” Akatiwo: “Chinhu chinokosha chaitarisirwa kumutariri ndechekuti asazvione semunhu anoziva zvese, uye aifanira kuva nechido chekudzidza zvinhu zvitsva.”

Shoko raMwari rinoshandisa muenzaniso wezvaiitwa nemutariri richifananidzira zvimwe zvinoitwa muungano yechiKristu. Semuenzaniso, muapostora Petro anokurudzira vaKristu kuti vashandise zvipo zvavakapiwa naMwari ‘pakushumira vamwe sevatariri vakanaka kwazvo venyasha dzaMwari.’​—1 Pet. 4:10.

Jesu pachake akashandisa muenzaniso wemutariri pamufananidzo wakanyorwa pana Ruka 16:1-8. Uyezve, paakaprofita nezvechiratidzo chekuvapo kwake saMambo, Jesu akavimbisa vateveri vake kuti aizogadza “muranda akatendeka, akangwara,” kana kuti “mutariri akatendeka.” Basa guru remutariri iyeye raizova rekugara achipa vateveri vaKristu zvekudya zvekunamata mumazuva ekupedzisira. (Mat. 24:45-47; Ruka 12:42) Tinoonga chaizvo kuti tiri kuwana mabhuku anosimbisa kutenda ari kugadzirwa nemutariri akatendeka ayo ari kuwanika pasi rese.