Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ratidzai Rudo Mumhuri

Ratidzai Rudo Mumhuri

Ratidzai Rudo Mumhuri

“UPISE kana uchigona! Upise!” Tohru akadaro kumudzimai wake, Yoko. * “Chokwadi ndiri kuupisa,” akadzorera achidaro ndokubatidza machisa kuti apise mufananidzo wavakatorwa vari vaviri. Akabva ataura mashoko aibaya mwoyo, “Ndiri kupisa imba ino!” Tohru akadzorera nokuwatsa mudzimai wake mbama, kukakavadzana kwacho kukabva kwaguma nokurwa.

Makore matatu zvisati zvadai, Tohru naYoko vakatanga upenyu hwavo pamwe chete sevakaroorana vanofara. Saka, chii zvino chakakanganisika? Kunyange Tohru aitaridzika somurume akanaka, mudzimai wake ainzwa kuti akanga asingamuratidzi rudo uye kuti akanga asinganyanyi kuva nehanya nemanzwiro ake. Aiita seakanga asingaoni rudo rwaaimuratidza. Atadza kutsungirira izvi, Yoko akawedzera kuva nehasha uye kutsamwa. Akava nezvinetso zvakadai sokushaya hope, kuzvidya mwoyo, kusafarira kudya, kukurumidza kugumbuka, nokuora mwoyo uye kunyange kutya pamusana pezvakaitika kare. Asi, Tohru aiita seaisava nehanya nemamiriro ezvinhu akanga asina kusununguka omumba make. Kwaari zvaingoita sokunge kuti ndiwo aiva mararamiro.

“Nguva Dzinonetsa Dzakaoma Kubata Nadzo”

Zvinetso zvakadaro zviri kwose kwose nhasi. Muapostora Pauro akafanotaura kuti nguva yedu yaizova nevanhu “vasina rudo kwazvo.” (2 Timoti 3:1-5) Shoko rechiGiriki chepakutanga rakashandurwa pano kuti “vasina rudo kwazvo” rakafanana chaizvo neshoko rinoreva rudo rwokuzvarwa narwo runowanika munhengo dzemhuri. Chokwadi nguva yedu yaona kushayikwa kworudo rwakadaro. Kunyange kana rudo rukavapo, kashoma kuti nhengo dzemhuri dziruratidze kune mumwe nomumwe.

Nhasi vabereki vakawanda havazivi nzira yokuratidza rudo noushamwari kuvana vavo chaivo. Vamwe vakakurira mumhuri yaiva isina rudo uye vangatadza kuona kuti upenyu hunogona kunakidza uye kufadza zvikuru kana paine rudo uye ruchiratidzwa. Zvinenge ndizvo zvakaitika kuna Tohru. Muuduku hwake, baba vake vaigara kubasa vachingoshanda uye vaidzoka kumba hwatova usiku. Vakanga vasingawanzotauri naTohru, uye pavaidaro, vaiita zvokumuvhumbura. Amai vaTohru vaishandawo nguva yakazara uye vakanga vasingapedzi nguva yakawanda naye. Terevhizheni ndiyo yaimuvaraidza somwana. Mumhuri yacho vakanga vasingakurukurirani kana kutendana.

Zvimwe zvingakonzerwawo netsika. Mune dzimwe nzvimbo dzomuLatin America, kuti murume aratidzire mudzimai wake rudo anofanira kuita zvinopesana netsika inowanzoitwa. Munyika dzakawanda dzokuMabvazuva uye kuAfrica, zvinopesana netsika kuti munhu aratidze rudo nemashoko kana kuti nezviito. Varume vangawana zvakaoma kutaura kuti: “Ndinokuda” kuvadzimai vavo kana kuvana. Kunyange zvakadaro, tinogona kudzidza chidzidzo kubva muukama hwokutanga-tanga hwemhuri, hwagara kwenguva refu.

Ukama Hwemhuri Hwomuenzaniso

Muenzaniso wakanaka zvikuru nokuda kwemhuri unowanika muukama hwepedyo hwaJehovha Mwari noMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga. Vanoratidzirana rudo munzira yakakwana. Mumakore ane zviuru asingaverengeki, Jesu Kristu akava noukama hunofadza naBaba vake ari chisikwa chomudzimu. Akarondedzera ukama hwacho seizvi: “Ndaimufadza zuva rimwe nerimwe, ndichitamba pamberi pake nguva dzose.” (Zvirevo 8:30) Mwanakomana aiva nechokwadi chaizvo kuti Baba vake vaimuda zvokuti aikwanisa kuudza vamwe kuti Jehovha aifadzwa naye zuva rimwe nerimwe. Aifara pamberi paBaba vake nguva dzose.

Kunyange paaiva pasi pano ari munhu, Jesu Mwanakomana waMwari akavimbiswazve naBaba vake kuti vaimuda kwazvo. Jesu abhabhatidzwa, akanzwa inzwi raBaba vake richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.” (Mateu 3:17) Kuratidzwa kworudo uku kwakaitwa kuna Jesu paakatanga basa rake pasi pano kwaikurudzira kwazvo! Zvinofanira kuve zvakamusvika pamwoyo kunzwa Baba vake vachimubvuma sezvaakayeuka zvakazara upenyu hwake hwokudenga.

Saka, Jehovha anoratidza muenzaniso wakanakisisa wokuratidzira mhuri yake yose rudo mumwero wakazara. Kana tikagamuchira Jesu Kristu, tinogonawo kudiwa naJehovha. (Johani 16:27) Kunyange zvazvo tisinganzwi mashoko kubva kudenga, tichaona rudo rwaJehovha ruchiratidzwa muzvaakasika, muurongwa hwechibayiro chorudzikinuro chaJesu, uye mudzimwe nzira. (1 Johani 4:9, 10) Jehovha anototeerera minyengetero yedu uye anoipindura maererano nezvakatinakira. (Pisarema 145:18; Isaya 48:17) Sezvatinovavarira kuva noukama hwepedyo naJehovha, tinonzwa tichionga zvakadzama kutitarisira kwaanoita norudo.

Jesu akadzidza kuna Baba vake maratidzirwo etsitsi, kufunga vamwe, mutsa, uye kuva nehanya kwazvo nevamwe. Akatsanangura kuti: “Zvinhu zvose zvinoita [Baba], Mwanakomana anoitawo zvinhu izvi saizvozvowo. Nokuti Baba vanoda Mwanakomana kwazvo uye vanomuratidza zvinhu zvose zvavanoita.” (Johani 5:19, 20) Isuwo tinogona kudzidza unyanzvi hwokuratidza rudo nokudzidza kumuenzaniso wakaitwa naJesu paaiva pasi pano.—VaFiripi 1:8.

Rudo Mumhuri—Sei?

Sezvo ‘Mwari ari rudo’ uye isu takasikwa “nomufananidzo wake,” tinokwanisa kunzwa kudiwa uye kuratidza rudo. (1 Johani 4:8; Genesi 1:26, 27) Kunyange tichikwanisa kuita izvozvo, hazvingoerekani zvaitika. Kuti tiratidze rudo, kutanga tinofanira kunzwa tichifanira kuratidza rudo watakaroorana naye uye vana vedu. Cherechedza uye tarisa unhu hwaunoda mavari, zvisinei nokuti pane dzimwe nguva hungaoneka sohusingakoshi zvakadini, uye ramba uchifunga zvakadaro. ‘Hapana chinofadza pamurume wangu [mudzimai kana vana],’ ungadaro. Vaya vakaroorana vasarudzirwa vangave vakanzwa vasinganyanyi kuda vavakaroorana navo. Vamwe vangave vaisada vana. Kunyange zvakadaro, chimbofunga manzwiro akaita Jehovha nezvomukadzi wake wokufananidzira, rudzi rwaIsraeri, muzana remakore rechigumi B.C.E. Kunyange zvazvo muprofita wake Erisha akagumisa kuti makanga musisina vamwe vanamati vaJehovha mundudzi gumi dzorudzi rwevaIsraeri, Jehovha akanyatsovaongorora ndokuwana vanhu vakati kuti vaiva nounhu hwaaida—vose vaiva 7 000. Unogona kutevedzera Jehovha here nokutsvaka zvakanaka munhengo dzemhuri yako?—1 Madzimambo 19:14-18.

Zvisinei, kuti vamwe vomumhuri vanzwe kuti unovada, unofanira kuramba uchizviratidza. Pose paunoona chimwe chinhu chinofanira kurumbidzwa, rumbidza nemashoko. Richirondedzera mudzimai anokwanisa, Shoko raMwari rinotaura chimwe chinhu chinofadza chinoitwa nemhuri yake, rinoti: “Vana vake vanomuka, vachimuti: Vakaropafadzwa; nomurume wakewo unomurumbidza.” (Zvirevo 31:28) Cherechedza kuti nhengo dzemhuri yacho dzakarumbidzana dzakasununguka. Nokurumbidza mudzimai wavo nemashoko, baba vanoratidza mwanakomana wavo muenzaniso wakanaka, vachimukurudzira kugara achirumbidza mudzimai wake kana azoroora.

Uyewo, vabereki vanofanira kurumbidza vana vavo. Izvozvo zvingabatsira kuti vana vazviremekedze mumwoyo yavo. Chokwadi, munhu ‘angada sei muvakidzani wake sezvaanozviita’ kana asingazviremekedzi? (Mateu 22:39) Ukuwo, kana vachigaroshora vana vavo, vasingambovarumbidzi, vana vangarasikirwa nechiremera chavo nyore nyore uye zvingavaomera kuratidza rudo kune vamwe.—VaEfeso 4:31, 32.

Unogona Kubatsirwa

Zvakadini kana usina kurerwa mumhuri ine rudo? Unogonazve kungodzidza kuratidza rudo. Danho rokutanga nderokuziva chinetso chacho wobvuma kuti unofanira kugadzirisa. Shoko raMwari, Bhaibheri, rinobatsira chaizvo munyaya iyi. Ringafananidzwa negirazi. Patinozviongorora mudzidziso dzeBhaibheri dzakafanana negirazi, tinoona zvatinotadza, kana kuti zvatinokanganisa mumafungiro edu. (Jakobho 1:23) Mukuwirirana nedzidziso dzeBhaibheri, tinogona kugadzirisa mafungiro api neapi asina kukodzera. (VaEfeso 4:20-24; VaFiripi 4:8, 9) Tinofanira kudaro nguva yose, ‘tisingaregi kuita zvakanaka kwazvo.’—VaGaratiya 6:9.

Vamwe vangazviona zvakaoma kuratidza rudo pamusana pemarererwo avakaitwa kana kuti tsika. Zvisinei, ongororo dzichangobva kuitwa dzinoratidza kuti zvipingamupinyi zvakadaro zvinogona kukundwa. Chiremba anonzi Daniel Goleman, nyanzvi yezvoutano hwepfungwa, anotsanangura kuti ‘kunyange miitiro yakadzika midzi mumwoyo yakadzidzwa muuduku inogona kugadziridzwa.’ Makore anodarika mazana 19 apfuura, Bhaibheri rakaratidza kuti nokubatsira kwomudzimu waMwari, kunyange mafungiro akadzika midzi mukati memwoyo anogona kuchinjwa. Rinotirayira kuti: “Pfekenurai unhu hwekare netsika dzahwo, uye pfekai unhu hutsva.”—VaKorose 3:9, 10.

Kana chinetso chacho changooneka chete, mhuri inogona kudzidza Bhaibheri ichifunga zvairi kuda kugadzirisa. Somuenzaniso, kuregererei kuongorora shoko rokuti “rudo” mukonikodhenzi yeBhaibheri? Ungawana rugwaro rwakaita sourwu: “Makanzwa nezvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvaakaitirwa pakupedzisira naJehovha, kuti Jehovha ane rudo rukuru kwazvo uye ane ngoni.” (Jakobho 5:11) Zvadaro ongorora nhoroondo yeBhaibheri yaJobho, uchinyanya kutarisa kuti Jehovha aiva norudo rukuru kwazvo nengoni zvakadini kuna Jobho. Hapana mubvunzo kuti uchada kutevedzera Jehovha mukuratidza rudo rukuru kwazvo nengoni kumhuri yako.

Zvisinei, zvatisina kukwana, “tose tinokanganisa kakawanda” mukushandisa kwatinoita rurimi. (Jakobho 3:2) Mumhuri, tingatadza kushandisa rurimi rwedu nenzira inokurudzira. Apa ndipo panoda munyengetero nokutsamira pana Jehovha. Musarega. “Rambai muchinyengetera.” (1 VaTesaronika 5:17) Jehovha achabatsira vaya vanotsvaka rudo mumhuri nevayawo vanoda kururatidza asi vachitadza kuita kudaro.

Uyezve, nomutsa Jehovha akaita kuti vanhu vabatsirwe muungano yechiKristu. Jakobho akanyora kuti: “Pane munhu anorwara [mumudzimu] pakati penyu here? Ngaadane varume vakuru veungano, uye ngavamunyengeterere, vachimuzora mafuta muzita raJehovha.” (Jakobho 5:14) Hungu, vakuru vari muungano dzeZvapupu zvaJehovha vanogona kubatsira kwazvo mhuri dzine nhengo dzinenge dziine zvinetso zvokuratidzirana rudo. Kunyange zvazvo vasiri varapi, vakuru vanogona kubatsira nokushivirira vavanonamata navo, vasingavaudzi zvavanofanira kuita, asi vachivayeuchidza maonero aJehovha nokunyengetera navo uye kuvanyengeterera.—Pisarema 119:105; VaGaratiya 6:1.

Kana ari Tohru naYoko, vakuru vechiKristu vaigara vachipa nzeve kuzvinetso zvavo vovanyaradza. (1 Petro 5:2, 3) Pane dzimwe nguva, mukuru nomudzimai wake vaishanya kuitira kuti pamwe Yoko aizobatsirika nokushamwaridzana nomudzimai wechiKristu ane ruzivo rwakawanda uyo aigona kuyeuchidza Yoko kuti ‘ade murume wake.’ (Tito 2:3, 4) Nokuratidza kunzwisisa uye tsitsi pakutambura uye kusuwa kwevamwe vaKristu, vakuru vanova “utiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura.”—Isaya 32:1, 2.

Nokubatsira kwevakuru vane mutsa, Tohru akasvika pakuona kuti aiva nechinetso chokuratidza manzwiro ake uye kuti mu“mazuva okupedzisira,” Satani ari kurwisa mhuri. (2 Timoti 3:1) Tohru akasarudza kukunda chinetso chacho. Akatanga kuona kuti kutadza kwake kuratidza rudo kwakanga kwakonzerwa nokusaratidzwa rudo paaikura. Nokunyatsodzidza Bhaibheri nokunyengetera, pakupedzisira Tohru akasvika pakunzwisisa zvinodiwa naYoko mumanzwiro ake.

Kunyange akanga akagumbukira Tohru, Yoko paakanzwisisa mamiriro aive akaita zvinhu mumhuri yaTohru uye nokuona zvaaitadza iye pachake, akaedza nepaaikwanisa kuona zvakanaka zvinoitwa nomurume wake. (Mateu 7:1-3; VaRoma 5:12; VaKorose 3:12-14) Akakumbira Jehovha nomwoyo wose kuti amupe simba rokuramba achida murume wake. (VaFiripi 4:6, 7) Nokufamba kwenguva, Tohru akatanga kuratidza rudo rwake, zvikafadza mudzimai wake.

Chokwadi, kunyange kana uchiona zvakaoma kunzwa kuda vamwe uye kuratidza rudo mumhuri, unogona kukunda chinetso ichocho zvechokwadi. Shoko raMwari rinotipa nhungamiro yakanaka. (Pisarema 19:7) Nokuona kukosha kwenhau yacho, nokuedza kuona zvakanaka zvinoitwa nenhengo dzemhuri yako, nokudzidza uye kushandisa Shoko raMwari, nokutsamira pana Jehovha kuburikidza nomunyengetero womwoyo wose, uye nokutsvaka kubatsirwa nevakuru vechiKristu vakura mumudzimu, unogona kukunda chingaita sechipingamupinyi chisingakundiki chiri pakati pako nemhuri yako. (1 Petro 5:7) Iwewo unogona kufara, sezvakaita mumwe murume wokuUnited States. Akakurudzirwa kuratidza rudo kumudzimai wake. Paakashinga kutaura kuti “ndinokuda,” akashamisika nezvakaitwa nomudzimai wake. Nemisodzi yomufaro mumeso ake, akapindura kuti: “Neni ndinokudawo, asi aka ndekokutanga mumakore 25 kawati wataura saizvozvi.” Usamirira kuzoratidza rudo wawakaroorana naye nevana vako pashure penguva yakareba kudaro!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mamwe mazita achinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Jehovha anobatsira neShoko rake, Bhaibheri