Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

CHII chakaita kuti mumwe musikana akanga atsauka pamarererwo echiKristu aakaitwa adzoke? Verenga uone kuti anotii.

“Ndava kuziva chinangwa chaicho choupenyu.”—LISA ANDRÉ

GORE ROKUBEREKWA: 1986

NYIKA: LUXEMBOURG

NHOROONDO YOUPENYU: MWANA AKARASIKA

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira kuBertrange, kataundi kakachena, kasina utsotsi hwakanyanya, uye kakabudirira mune zvoupfumi kari pedyo neguta reLuxembourg. Ndiri gotwe pavana vashanu. Vabereki vangu Zvapupu zvaJehovha, uye vakashanda nesimba kuti vatidzidzise tsika dzechiKristu ini nevakoma vangu nehanzvadzi dzangu.

Ndava kuyaruka, ndakatanga kusatombogutsikana nezvaidzidziswa neZvapupu zvaJehovha. Pakutanga, ndaisazviisa hangu mupfungwa, asi nokufamba kwenguva kutenda kwangu kwakaramba kuchingoita zinyekenyeke. Vabereki vangu vakaita zvose zvavaigona kuti vandiratidze gwara rakanaka, asi ndakaramba rubatsiro rwavo. Ndaipedza nguva yakawanda nevechiduku vakanga vasingaremekedzi zviremera, vabereki vangu vasingazvizivi. Mararamiro avo aiita sokuti vakasununguka chaizvo saka ndizvo zvandaida. Taigara tichingoenda kumapati, tichiita unzenza, tichishandisa madhiragi uye tichidhakwa. Pakutanga ndaifara kuti ndakanga ndava kushamwaridzana nevanhu vaiita sevari kunyatsonakidzwa noupenyu.

Asi chiripo ndechokuti ndakanga ndisingafari zvechokwadi. Mararamiro andaiita neshamwari dzangu aya akanga asina kana chinangwa; hapana aimbova nehanya noupenyu. Asi ndaishushikana nenyaya dzakadai sekuipa kwakaita zvinhu munyika. Nokufamba kwenguva, ndakatowedzera kusafara uye kuora mwoyo.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Ndava nemakore 17, amai vangu vaicherechedza kuti ndaigara ndakangosuwa-suwa. Saka mumwe musi vakandikumbira kuti ndimboedzazve kudzidza Bhaibheri. Vakandikurudzira kuongorora zvarinodzidzisa ndozvisarudzira kuti ndinoda here kurarama maererano nazvo kana kuti kwete. Kutaurirana kwandakaita navo zvaiva kutsi kwomwoyo wangu kwakaita kuti ndichinje. Ndakabvuma kudzidza Bhaibheri nomukoma wangu Caroline nomurume wake Akif. Babamukuru Akif vakazoita chapupu vakura, saka izvi zvaiita kuti ndinzwe sokuti ndinogona kunyatsovaudza zviri kutsi kwomwoyo wangu, zvinova zvinhu zvandaikoshesa chaizvo.

Ndaiziva kuti mararamiro angu akanga asingakodzeri Chapupu, asi pakutanga ndaifunga kuti zvakanga zvisinei nomumwe munhu. Zvisinei, pandakadzidza Bhaibheri ndakaziva kuti zvandinoita zvinorwadzisa kana kufadza Jehovha. (Pisarema 78:40, 41; Zvirevo 27:11) Ndakazonzwisisawo kuti zvinorwadzisa kana kufadza vamwewo vanhu.

Pandakaramba ndichiongorora Bhaibheri, ndakazoona kuti pane zvikonzero zvine musoro zvokubvuma kuti iShoko raMwari. Somuenzaniso, ndakadzidza nezvouprofita hweBhaibheri hwakawanda hwakazadzika sezvakanga zvaprofitwa chaizvo. Ruzivo irworwo rwakandibatsira kuti ndinzwisise zvandakanga ndisingagutsikani nazvo.

Pava nerinenge gore kubva pandakatanga kudzidza Bhaibheri, ini nevabereki vangu takashanyira hanzvadzi yangu yaishanda basa rokuzvipira pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha kuGermany. Pandakaona kufara kwaiita hanzvadzi yangu iyi, zvakandibaya mwoyo. Mufaro waaiva nawo ndiwo chaiwo wandaitsvaka! Ndakafarawo kuona zvimwe Zvapupu zvaiita basa rokuzvipira pahofisi iyi. Vakanga vakasiyana chaizvo nevanhu vasina kuvimbika, vanongoda zvemafaro vandaimboshamwaridzana navo. Tichangobvako, ndakanyengetera kuna Jehovha zvinobva pamwoyo, ndichimuvimbisa kuti ndaizomushumira kwoupenyu hwangu hwose. Ndava nemakore 19, ndakabhabhatidzwa kuratidza kuti ndakanga ndatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Iye zvino upenyu hwangu hwava nechinangwa chaicho. Ndinonakidzwa nokudzidzisa vamwe Bhaibheri, ndichivabatsira kudzidza nezvaJehovha nezvaanovimbisa kuti achaita. Vomumhuri mangu vakafarawo nokuti havachashungurudziki nezvangu.

Ndinoziva zvandakakanganisa, asi ndinoedza kuti ndisaramba ndichingofunga nezvazvo. Ndinofunga nezvokuregerera kunoita Jehovha uye kundida kwaanoita. Ndinobvuma nemwoyo wose mashoko aZvirevo 10:22, anoti: “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

“Taigara tichingoenda kumapati, tichiita unzenza, tichishandisa madhiragi uye tichidhakwa”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

“Ndinoziva zvandakakanganisa, asi ndinoedza kuti ndisaramba ndichingofunga nezvazvo”