Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | SEI ZVAKAIPA ZVICHIITIKA KUVANHU VAKANAKA?

Mwari Achaitei Neuipi?

Mwari Achaitei Neuipi?

Bhaibheri rinotiudza zvakajeka kuti Jehovha neMwanakomana wake Jesu Kristu vachaitei nekutambura kwakakonzerwa naSatani Dhiyabhorosi. Rinoti: “Nokuda kwaizvozvi Mwanakomana waMwari [Jesu] akaratidzwa pachena, kuti aputse mabasa aDhiyabhorosi.” (1 Johani 3:8) Nyika ine makaro, ruvengo uye uipi, ichaputswa. Jesu akavimbisa kuti “mutongi wenyika ino” Satani Dhiyabhorosi, “achadzingwa.” (Johani 12:31) Satani paachange asisipo, pachava nenyika itsva yakarurama ine rugare.—2 Petro 3:13.

Zvakadini nevaya vanozvikudza vasingadi kuchinja, uye vanoramba vachiomerera pakuita zvakaipa? Funga nezvevimbiso iyi yakajeka: “Vakarurama [chete] ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.” (Zvirevo 2:21, 22) Vanhu vakaipa vachange vasisipo. Mumamiriro ezvinhu akadaro, zvishoma nezvishoma, vanhu vanoteerera vachasunungurwa pachivi chakabva kuna Adhamu.—VaRoma 6:17, 18; 8:21.

Mwari achabvisa sei uipi zvachose munyika itsva iyoyo? Haasi kuzotorera vanhu chipo chokuzvisarudzira, oita kuti vave semarobhoti. Asi achadzidzisa vanhu vanoteerera nzira dzake, achivabatsira kusiya mafungiro nemaitiro akaipa.

Mwari achabvisa zvose zvinokonzera kutambura

Mwari achaitei nematambudziko asingafanoonekwi? Akavimbisa kuti hurumende yake yeUmambo ichange yava kutonga nyika munguva pfupi iri kuuya. Mambo akagadzwa weUmambo ihwohwo ndiJesu Kristu, uyo ane simba rokurapa vanorwara. (Mateu 14:14) Jesu anewo simba rokudzikamisa masimba ezvinhu zvakasikwa. (Mako 4:35-41) Saka matambudziko anokonzerwa ne“nguva nezviitiko zvisingafanoonekwi” achange abviswa. (Muparidzi 9:11) Pakutonga kwaKristu, vanhu vachange vasisina kana dambudziko.—Zvirevo 1:33.

Zvakadini nemamiriyoni evanhu vasina mhosva vakafa zvinosiririsa? Nguva pfupi asati amutsa shamwari yake Razaro kubva murufu, Jesu akati: “Ndini kumuka noupenyu.” (Johani 11:25) Zvechokwadi Jesu ane simba rokumutsa vakafa!

Kana uchida kurarama munyika iyo vanhu vakanaka vachange vasisawirwi nezvakaipa, wadii kudzidza Bhaibheri kuti uzive zvakawanda nezvaMwari wechokwadi uye chinangwa chake? Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara zvichafara kukubatsira kuti uwane ruzivo irworwo. Tinokukurudzira neushamwari kuti utaure navo, kana kuti unyorere vabudisi vemagazini ino.