Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Ngirozi dzinogona kutibatsira here?

Mazuva ano ngirozi dzinoita kuti vanhu vabatsirwe nemashoko akanaka sekubatsira kwadzakaita mushumiri waMwari aiva akavimbika ainzi Dhanieri

Jehovha Mwari akasika mamiriyoni engirozi asati asika vanhu. (Jobho 38:4, 7) Ngirozi zvisikwa zvisingaoneki zvine simba zvinoita basa raMwari. Dzimwe nguva dzinotumwa kuti dzitungamirire uye dzidzivirire vashumiri vaMwari panyika. (Pisarema 91:10, 11) Mazuva ano, ngirozi dziri kuita kuti vanhu vabatsirwe nemashoko akanaka ari kuparidzwa nevateveri vaJesu.—Verenga Zvakazarurwa 14:6, 7.

Tinofanira kunyengetera kungirozi kuti dzitibatsire here? Kwete. Tinofanira kunyengetera kuna Mwari chete, nokuti ndiye oga watinofanira kunamata. (Zvakazarurwa 19:10) Sezvo ngirozi dziri vashumiri vaMwari, dzinoita zvadzinoudzwa naye, kwete nevanhu. Saka tinofanira kunyengetera kuna Mwari chete, nemuzita raJesu.—Verenga Pisarema 103:20, 21; Mateu 26:53.

Kune ngirozi dzakaipa here?

Ngirozi dzakasikwa dziine rusununguko rwekusarudza sezvakangoita vanhu, saka dzinogona kusarudza kuita zvakanaka kana zvakaipa. Zvinosuwisa kuti dzimwe ngirozi dzakapandukira Mwari. (2 Petro 2:4) Satani ndiye akatanga kupanduka, uye dzimwe ngirozi dzakazopandukawo, ndokuva madhimoni. Mumakore akapfuura, Satani nemadhimoni ake vakadzingwa kudenga, ndokukandwa panyika.—Verenga Zvakazarurwa 12:7-9.

Kuwedzera kunotyisa kuri kuita zvakaipa uye chisimba kubvira muna 1914 kuri kuratidza kuti Mwari ava pedyo nokubvisa Satani nemadhimoni ake. Mwari achabva aita kuti nyika ive sezvayaifanira kuva pakutanga.—Verenga Zvakazarurwa 12:12; 21:3, 4.