Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KUKURUKURA NEMUVAKIDZANI

Umambo hwaMwari Hwakatanga Kutonga Riini? (Chikamu 2)

Umambo hwaMwari Hwakatanga Kutonga Riini? (Chikamu 2)

Zvakanyorwa pasi apa ndizvo zvingaitwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha paanenge achikurukura nemuvakidzani wake. Ngatimbotii Chapupu chinonzi Cameron chadzoka pamba pemurume anonzi Jon.

TSANANGUDZO PFUPI YEHOPE DZANEBHUKADHINEZARI

Cameron: Ndafara kukuonazve Jon. Ndinonakidzwa chaizvo nekudzidza kwatinoita Bhaibheri vhiki nevhiki. * Wakadii hako?

Jon: Ndakasimba hangu.

Cameron: Ndafara kukuona. Pandakapedzisira kuuya, takataura nezvekuti nei Zvapupu zvaJehovha zvichiti Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga muna 1914. * Patakakurukura, takaona mashoko anokosha anoita kuti tidaro, ari muuprofita huri muchitsauko 4 chebhuku reBhaibheri raDhanieri. Uchiri kuayeuka here?

Jon: Paitaura nezvemuti mukuru wakarotwa naMambo Nebhukadhinezari.

Cameron: Ndizvozvo chaizvo. Paairota, Nebhukadhinezari akaona muti wainge wakareba uchisvika kudenga. Akanzwa inzwi remutumwa waMwari raiti muti wacho utemwe, asi chigutsa chawo nemidzi zvaifanira kusiyiwa muvhu. Muti wacho waizokurazve pashure ‘penguva nomwe.’ * Takakurukurawo kuti nei uprofita hwacho hwaizozadziswa kaviri. Unoyeuka here kuti hwakatanga kuzadziswa sei?

Jon: Hwakazadziswa pana Nebhukadhinezari pachake, handiti? Akarasika pfungwa kwemakore manomwe.

Cameron: Ndizvo chaizvo. Nebhukadhinezari akamborasika pfungwa, saka akamborega kutonga samambo. Asi uprofita uhwu hwaizozadziswa zvakakura, utongi hwaMwari pahwaizombomiswa panyika kwenguva nomwe. Sezvatakadzidza, nguva nomwe dzakatanga pakaparadzwa Jerusarema muna 607 B.C.E. Kubvira ipapo, panyika pakanga pasisina madzimambo aimiririra Jehovha Mwari pakutonga vanhu vake. Kunyange zvakadaro, paizopera nguva nomwe, Mwari aizogadza Mambo kudenga kuti atonge vanhu vake. Tingati, paizopera nguva nomwe ndipo paibva patanga kutonga kweUmambo hwaMwari hwekudenga. Iye zvino tava kuziva pakatangira nguva nomwe. Saka kana tikaziva kureba kwenguva iyi, tinobva tazivawo kuti Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga riini. Hameno kuti wazvibata here zvatakurukura?

Jon: Ehe, kutsanangura kwamaita muchidimbu kwandibatsira kuyeuka.

Cameron: Horaiti. Saka iye zvino ngationei kuti nguva nomwe idzi dzakareba sei? Munguva ichangopfuura iyi, ndakatoverenga nezvenyaya iyi kuti ndiyeuke pfungwa dzinokosha. Ndichaedza kukutsanangurira.

Jon: Horaiti.

 PANOGUMIRA NGUVA NOMWE NDIPO PANOTANGIRA MAZUVA OKUPEDZISIRA

Cameron: Pakuzadziswa kwekutanga kweuprofita kuna Nebhukadhinezari, nguva nomwe dzinomiririra makore manomwe chaiwo. Asi pakuzadziswa kukuru kune chokuita neUmambo hwaMwari, nguva nomwe dzinofanira kunge dzakareba kupfuura makore manomwe.

Jon: Sei uchidaro?

Cameron: Yeuka kuti nguva nomwe dzakatanga pakaparadzwa Jerusarema muna 607 B.C.E. Kana tikaverenga makore manomwe kubva mugore iroro, tinosvika mugore ra600 B.C.E. Asi hapana chinoshamisa chakaitika mugore iri chine chokuita neutongi hwaMwari. Uyezve, takatodzidza kuti Jesu paakazouya pasi pano pashure pemazana emakore, akaratidza kuti nguva nomwe dzainge dzisati dzaguma.

Jon: Ehee nhai. Ndabva ndazviyeuka.

Cameron: Saka nguva nomwe hadzisi makore manomwe chaiwo. Dzinofanira kunge dzichimiririra nguva yakareba.

Jon: Yakareba sei?

Cameron: Bhuku remuBhaibheri raZvakazarurwa, iro rinotaura zvinoenderana nezviri mubhuku raDhanieri, rinotibatsira kuziva kuti nguva nomwe dzakareba sei. Rinoti nguva nhatu nehafu dzakareba mazuva 1 260. * Saka kuti tiwane nguva nomwe tinofanira kupeta nguva nhatu nehafu kaviri. Izvi zvinotipa mazuva 2 520. Tichiri tose handiti?

Jon: Ehe, ndiri kuzvibata. Asi handisi kuona kuti zvauri kutaura zviri kuratidza sei kuti Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga muna 1914.

Cameron: Horaiti, rega tione kuti zvinobatana papi. Dzimwe nguva panotaurwa nezveuprofita hwemuBhaibheri, zuva rinomiririra gore. * Kana tikashandisa pfungwa yataona yekuti zuva rimwe rinomiririra gore, nguva nomwe dzinenge dzakareba makore 2 520. Tikaverenga makore 2 520 kubva muna 607 B.C.E., anotisvitsa muna 1914. * Izvi ndizvo zvinoita kuti titi nguva nomwe dzakaguma mugore ra1914, uye ndipo pakatanga Jesu kutonga saMambo weUmambo hwaMwari. Uye kubvira muna 1914, munyika makaitika zviitiko zvikuru, izvo zvakagara zvataurwa muBhaibheri kuti zvaizoitika mumazuva okupedzisira.

Jon: Zviitiko zvipi izvozvo?

Cameron: Chimboona zvakataurwa naJesu, zvakanyorwa pano pana Mateu 24:7. Achitaura nezvenguva yaaizotanga kutonga kudenga, Jesu akati: “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo, uye kuchava nokushomeka kwezvokudya nokudengenyeka kwenyika munzvimbo nenzvimbo.” Cherechedza kuti Jesu akataura kuti kushomeka kwezvokudya uye kudengenyeka kwenyika zvaizovapo munguva iyi. Mumakore zana apfuura, zvinhu izvi zvange zvichiita kuti vanhu vatambure panyika pano handiti?

Jon: Ndizvozvo.

Cameron: Mundima iyi, Jesu akataurawo nezvehondo dzaizoitika panguva yokuvapo kwake saMambo weUmambo hwaMwari. Uyewo bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rakagara rataura kuti munguva yokuguma, hondo dzaisazongoitika munyika imwe chete, asi pasi rose. * Unoyeuka here kuti Hondo Yenyika Yokutanga yakaitika rini?

Jon: Yakatanga muna 1914, gore ramuri kuti  ndiro rakatanga Jesu kutonga! Aah, ndanga ndisati ndambofunga kuti zvinobatana saizvozvo.

Cameron: Kana tikabatanidza uprofita hunotaura nezvenguva nomwe nehumwewo uprofita hwemuBhaibheri hunotaura nezvenguva yokuguma, zvinobva zvanzwisisika. Zvapupu zvaJehovha zvine chokwadi chizere chokuti Jesu akatanga kutonga saMambo weUmambo hwaMwari muna 1914, uye ndiro gore rakatangawo mazuva okupedzisira. *

Jon: Ndichiri kumboedza kuzvizeya zvose.

Cameron: Shuwa zvinonzwisisika. Sezvandambokuudza, ndakatomboitawo nguva kuti ndinyatsonzwisisa nyaya iyi. Asi, ndinovimba kuti zvishoma izvi zvatakurukura zvakubatsira kuona kuti kunyange zvazvo gore ra1914 risina kunyorwa muBhaibheri, zvose zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha nezvegore iri zvinobva Mumagwaro.

Jon: Ichokwadi ichocho, ndagara ndichikufarirai nokuti chose chamunotaura munochitsigira nerugwaro. Hamungotauri zvemupfungwa dzenyu. Asi zviri kungondinetsa kuti sei zvichioma kunzwisisa. Ko sei Mwari asina kungonyora muBhaibheri kuti Jesu aizotanga kutonga kudenga mugore ra1914?

Cameron: Mubvunzo wako wakanaka, Jon. Panotova nezvimwe zvakawanda zvisina kudonongodzwa muMagwaro. Asi nei Mwari akaita kuti Bhaibheri rinyorwe nenzira yokuti vanhu vaizofanira kushanda nesimba kuti varinzwisise? Tinogona kuzokurukura mubvunzo uyu patinozoonana zvakare.

Jon: Yaa zvinoita.

Pane nyaya yomuBhaibheri inombokutemesa musoro here? Pane zvaunoda kuziva here nezvezvinotendwa kana kuti zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha pakunamata? Kana zviripo, usazeza kubvunza mumwe weZvapupu zvaJehovha. Achafara kutaura newe nyaya dzakadaro.

^ ndima 5 Zvapupu zvaJehovha zvinogara zvichikurukura Bhaibheri nevavakidzani zvichishandisa urongwa hwazvo hwekudzidzisa vanhu Bhaibheri vasingabhadhari.

^ ndima 7 Ona nyaya inoti “Kukurukura Nemuvakidzani—Umambo hwaMwari Hwakatanga Kutonga Riini?—Chikamu 1” iri muNharireyomurindi yaOctober 1, 2014.

^ ndima 24 Ona chati rakanzi “Muti Wakarotwa naNebhukadhinezari.”