Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Mukuru weuto aiita basa rei muuto reRoma?

Mufananidzo wemukuru weuto ainzi Marcus Favonius Facilis

MuMagwaro echiKristu echiGiriki munotaurwa nezvevakuru veuto reRoma kakati kuti. Musoja aitungamirira pakuurayiwa kwaJesu aiva mukuru weuto, kungofanana naKoneriyasi uyo akava muKristu wekutanga pavanhu vakanga vasiri vaJudha. Juriyasi uyo akaperekedza Pauro kuRoma uye musoja aifanira kutungamirira kuti muapostora Pauro azvamburwe, vaiva vakuru veuto.—Mako 15:39; Mabasa 10:1; 22:25; 27:1.

Mukuru weuto aiwanzotungamirira masoja 100, uye anopfuura 50 acho aifamba netsoka. Basa rake raisanganisira kudzidzisa vanhu vake uye kuvaranga kana vasingateereri, kuongorora mbatya nezvombo zvavo, uye kuvaudza zvekuita muhondo.

Musoja aiva nechinzvimbo chepasi aikwanisa kukwidziridzwa kusvikira pakuva mukuru weuto, asi aisakwanisa kupfuura ipapo. Vanhu vaipiwa chinzvimbo ichi vainge vari masoja ainyatsogona basa kuti azotungamirira zvakanaka. Kuti uto reRoma raiva nesimba ribudirire uye riite basa nemazvo, zvaibva pamashandiro aiita vakuru veuto. Rimwe bhuku rinoti vakuru veuto “vaiwanzova vanhu vane unyanzvi kupfuura vamwe vose, vachinyatsoziva mafambiro anoita basa ravo.”

Magirazi ekuzvitarisa aishandiswa munguva inotaurwa muBhaibheri akasiyana sei neemazuva ano?

Girazi rekare raishandiswa kuIjipiti

Magirazi aishandiswa kare aiwanzogadzirwa nesimbi yaipenya. Kakawanda aigadzirwa nebronze, uye anofanirawo kunge aigadzirwa nemhangura, sirivha, goridhe kana kuti musanganiswa wegoridhe nesirivha. Ainge akasiyana neemazuva ano anogadzirwa negirazi. MuBhaibheri, panotanga kutaurwa nezvemagirazi ndepaya panotsanangurwa nezvekugadzirwa kwetebhenekeri, iyo yaiva musimboti wekunamata wevaIsraeri. Vakadzi vakauya nemagirazi kuti azoshandiswa pakugadzira bheseni remhangura nechigadziko charo. (Eksodho 38:8) Magirazi aya anofanira kunge aitanga anyungudutswa kuti azoshandiswa seizvi.

Magirazi akawanikwa paicherwa matongo muIsraeri nenharaunda dzakaipoteredza, aiwanzowanikwa akasangana nezvishongo nezvimwewo zvinoshandiswa nevanhukadzi pakupodapoda. Magirazi aya aiwanzova eraundi, aine mubato wepuranga, simbi kana kuti nyanga yenzou, uye mubato wacho waiwanzonge wakagadzirwa sezvakaita chimiro chemunhukadzi. Kuseri kwaro uko kwaisapenya, kwaisiyiwa kwakadaro.

Magirazi emunguva yekare akanga asinganyatsoonesi sezvinoita emazuva ano. Muapostora Pauro anogona kunge aifunga nezvemagirazi iwayo paakati: “Nokuti panguva ino tinoonera mumadzerere negirazi resimbi.”—1 VaKorinde 13:12.