Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Chii Chinonzi Zuva Rekutongwa?

Sei zuva rekutongwa richizofadza?

Panguva inotaurwa muBhaibheri, Mwari aiponesa vanhu vake vaidzvinyirirwa achishandisa vatongi. (Vatongi 2:18) Bhaibheri rinoti Zuva Rekutongwa richange richifadza nekuti Mutongi wenyika yose Jehovha, achaponesa vanhu kuti vasadzvinyirirwa.Verenga Pisarema 96:12, 13; Isaya 26:9.

Mwari akapa Jesu basa rekuti atonge zvakanaka vapenyu nevakafa. (Mabasa 10:42; 17:31) Kune vanhu vakawanda vakafa vasingazivi Mwari. PaZuva Rekutongwa, Jesu achavamutsa kuti vapiwe mukana wekudzidza nezvaMwari wechokwadi uye wekuti varatidze kuti vanoda Mwari.Verenga Mabasa 24:15.

Sei Zuva Rekutongwa Richizova Makore 1 000?

Vakafa vachamutswa mumakore iwayo 1 000. (Zvakazarurwa 20:4, 12) Vachawana nguva yekudzidza nezvaMwari kuti vamuteerere. Kusiyana nezvinotaurwa nevakawanda, Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vachatongwa zvichienderana nezvavachaita pashure pekunge vamutswa.Verenga VaRoma 6:7.

Bhaibheri rinotaurawo nezvezuva rekutongwa richangoerekana rasvika, makore 1 000 asati atanga. Munyaya dziri kwekutanga mumagazini ino, zuva iroro rinonziwo mugumo. Pazuva iroro, Mwari achaparadza vanhu vose vakaipa, vasingamudi. (2 Petro 3:7) Saka zvinokosha kuti tiratidze kuti tinoda Mwari.Verenga 2 Petro 3:9, 13.