Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Zvakawanikwa pakuchera matongo zvinotsigira zvinotaurwa neBhaibheri here?

Mambo weAsiriya, Sagoni II, anotaurwa pana Isaya 20:1

Imwe nyaya yakabuda mumagazini inonzi Biblical Archaeology Review inoti zvakawanikwa pakuchera matongo zvinoratidza kuti vanhu “vasiri pasi pe50” vanotaurwa muMagwaro echiHebheru vakararama zvechokwadi. Pavanhu vacho panewo madzimambo 14 evaJudha nevaIsraeri, kusanganisira vaya vanonyanya kuzivikanwa vakadai saDhavhidhi naHezekiya, nevamwewo vasinganyanye kuzivikanwa vakadai saMenahemu naPeka. Panewo vanaFarao 5 uye madzimambo 19 enyika dzinoti Asiriya, Bhabhironi, Moabhi, Pezhiya, neSiriya. Madzimambo handiwo ega anowanikwa muBhaibheri ukuwo achiwanikwa muzvinyorwa zvevanochera matongo. Vapristi vakuru, vanyori, nevamwewo vaiva nezvinzvimbo vanowanikwawo muBhaibheri uye muzvinyorwa zvevanochera matongo.

Nyaya yacho inoti kune “vaongorori vakawanda vanonyatsobvumirana” kuti vanhu ivavo vaitombovako. Magwaro echiKristu echiGiriki anotaura nezvevamwe vakawanda vanowanikwa munyaya dzezvakaitika kare. Kunewo zvakawanika nevanochera matongo zvinotsigira kuti vakati kuti vavo, vakadai saHerodhi, Pondiyo Pirato, Tibheriyo, Kayafasi, naSegiyo Paurosi vakambovako.

Shumba dzakapedzisira kuwanika riini muParestina?

Mufananidzo unoyevedza uri pamadziro muBhabhironia

Kunyange zvazvo mumasango eParestina musisawanike shumba, Bhaibheri rinotaura nezvadzo kanosvika ka150, zvichiratidza kuti vanhu vakarinyora vaidziziva. Pakawanda pacho dzinenge dzichimiririra chimwe chinhu, asi pamwe pacho panenge pachitaura nezvevanhu vakasangana neshumba chaidzo. Somuenzaniso, Samsoni, Dhavhidhi, naBhenaya vakauraya shumba. (Vatongi 14:5, 6; 1 Samueri 17:34, 35; 2 Samueri 23:20) Kune vamwewo vakatourayiwa nadzo.1 Madzimambo 13:24; 2 Madzimambo 17:25.

Kare, shumba dzekuAsia (Panthera leo persica) dzaiwanika kubva kuAsia Minor neGirisi kusvika kuParestina, Siriya, Mesopotamia, uye nechekuchamhembe kweIndiya. Kumadokero kweAsia kune mifananidzo yakawanda yekare yeshumba, iyo inoratidza kuti dzaityiwa uye dzairemekedzwa. Pamadziro emugwagwa wekuBhabhironi unonzi Processional Way paiva nemifananidzo yaipenya uye yaiyevedza yeshumba.

Zvinonzi gore ra1200 rava kuda kusvika, paiva nevanhu vaivhima shumba nemaziso matsvuku muParestina. Zvinoita sekuti shumba dzakatsakatika munzvimbo yacho gore ra1300 richangopfuura. Asi zvinonzi dzakanga dzichiri kuwanika muMesopotamia neSiriya kubva muna 1801 kusvika muna 1900 uye kuIran neIraq dzakaramba dzichiwanikwa kusvika tati pfuurei gore ra1901.