Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VAVERENGI VANOBVUNZA KUTI . . .

Pane Chakaipa Here Nezvinoitwa paKrisimasi?

Pane Chakaipa Here Nezvinoitwa paKrisimasi?

Krisimasi yava nemakore ichionekwa semutambo wechiKristu wekupemberera kuzvarwa kwaJesu. Asi zvakawanda zvinoitwa paKrisimasi zvinoita kuti tive nemubvunzo wekuti zvakazobatana papi nekuzvarwa kwaJesu.

Imwe nyaya iri pakuti pane ngano inotaura nezvaSanta Claus (Father Christmas). Mifananidzo yaSanta wemazuva ano inomuratidza achifara, aine matama matsvuku nendebvu chena, uye akapfeka hembe tsvuku. Mifananidzo iyi yakashandiswa pakushambadza neimwe kambani yezvinwiwa yekuNorth America muna 1931 zvikabudirira chaizvo. Kuma1950, vamwe vanhu vekuBrazil vakaedza kutsiva Santa Claus naGrandpa Indian uyo aizivikanwa chaizvo mungano dzeikoko. Zvakaguma nei? Santa Claus akabva akurumbira kupfuura Grandpa Indian uyewo vanhu “vakanga vava kufunga nezvake kupfuura kufunga kwavaiita nezvaJesu ari mucheche. Santa Claus ndiye akabva atanga kupembererwa musi wa25 December,” akadaro Muzvinafundo anonzi Carlos E. Fantinati. Asi ngano dzakadai seyaSanta Claus ndidzo chete here dzinoita kuti zvinzi Krisimasi yakaipa? Kuti tizive mhinduro yacho, ngatimboonai zvakaitika pakatanga chiKristu.

Encyclopedia Britannica inoti: “Kwemakore 200 kubva pakatanga chiKristu, vanhu vaishora chaizvo kupemberera mazuva ekuberekwa evanhu vakafira kutenda, kusanganisira raJesu.” Nei vaishora mhemberero idzodzo? Nekuti vaKristu vaiona kupemberera mazuva ekuberekwa setsika yechihedheni, uye sechinhu chaifanira kurega kuitwa zvachose. Uyewo muBhaibheri hapana kana pakanyorwa zuva rakaberekwa Jesu.

Makore anopfuura 300 pashure pekunge Jesu afa, chechi yeRoma yakatanga kupemberera Krisimasi, pasinei nekuti vaKristu vekutanga vakanga vasingatsigiri kupembererwa kwemazuva ekuberekwa. Chechi yacho yaida kusimbisa zvayainge yasarudza kuburikidza nekubvisa rimwe dambudziko hombe raigona kuikanganisa. Dambudziko racho raiva rekuti kwaiva nevakawanda vaifarira zvitendero zvechihedheni zvemuRome, uyewo mitambo yaiitwa musi waikurumidza kunyura zuva kupfuura mimwe yose pagore. Gore negore, kubva musi wa17 December kusvika musi wa1 January, “vanhu vakawanda vekuRome vaiita mabiko uye mitambo, vaifara zvakanyanyisa, vaifamba vakawanda vachipemberera, uye vaibatana pakuita mimwe mitambo yekukudza vanamwari vavo,” rinodaro bhuku rinonzi Christmas in America, rakanyorwa naPenne L. Restad. Uye musi wa25 December, vanhu vekuRome vaipemberera kuzvarwa kweravaiti Zuva Risingakundwi. Saka chechi iyi payakatanga kupemberera Krisimasi pazuva iri, yaitova nzira yekuita kuti vanhu vakawanda vekuRome vapemberere kuzvarwa kwaJesu pane kuzvarwa kwezuva. Bhuku rinonziSanta Claus, a Biography, rakanyorwa naGerry Bowler rinoti vanhu vekuRome “havana kurega zvavakanga vagara vachiita pamhemberero dzavo dzepakati pemwaka wechando.” Chiripo ndechekuti “vakatanga mhemberero itsva asi havana kurega maitiro avo ekare.”

Saka zviri pachena kuti chakatonyanya kuipa pakupemberera Krisimasi ndechekuti matangiro ayakaita haana kunaka. Mubhuku rake rinonzi The Battle for Christmas, Stephen Nissenbaum akataura kuti Krisimasi “izororo rechihedheni rakangoputirwa nezita rechiKristu chete.” Saka Krisimasi inozvidza Mwari neMwanakomana wake, Jesu Kristu. Iyi inyaya yekutamba nayo here? Bhaibheri rinobvunza kuti: “Kururama kune ushamwari hwei nokusateerera mutemo? Kana kuti chiedza chine mugove wei nerima?” (2 VaKorinde 6:14) Kungofanana nemuti unenge wakura wakabhenda, Krisimasi yakamonyoroka zvokuti ‘haigoni kururamiswa.’—Muparidzi 1:15.