Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhuri yaJehovha

Mhuri yaJehovha

Dhaunirodha:

  1. 1. Ndangova zindoga munyika.

    Handina shamwari inomira neni,

    Ndingaiwanepiko munyika ino?

    Hazvisi nyore kuwana shamwari

  2. 2. Ndazodziwana, ndazorodzwa

    Jehovha andipa mhuri; mhuri ine rudo.

    Ndakawana zvinokosha kwandiri

    K’pfura shamwari

    Ndiyo mhuri yaJehovha

    (BHIRIJI)

    Nda’ne hanzvadzi nevakoma

    Na’na amai,

    Netuvanin’inawo

    Na’na sekuru

    Vanobva m’nyika dzese nemarudzi ese.

    Zvinofadza kuva mumhuri yaMwari

  3. 3. Tinodanana

    Zvechokwadi.

    Jehovha ndiye Baba

    Tiri vana vake.

    Tinodada kuva mumhuri yake.

    Yakabatana ine rudo rwechokwadi.

    (BHIRIJI)

    Tinobva m’nyika dzese, nemarudzi ese.

    Zvinofadza kuva mumhuri yaMwari.

  4. 4. Anoda kuti tive pedyo naye

    Tive mumhuri yake; izere nerudo

    Tichararama nekusingaperi

    Tichifara tiri mumhuri yaMwari

    Tese mumhuri yaJehovha

    Narini, Narini.