Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ugandanga Huchazombopera Here?

Ugandanga Huchazombopera Here?

 Panoitika ugandanga unogona kuzvibvunza kuti: ‘Mwari anotida here? Nei zvinhu izvi zvichiitika? Ugandanga a huchazombopera here? Ndingaitei kuti ndisanyanya kutya?’ Bhaibheri rinopindura mibvunzo iyi zvinogutsa.

Mwari anoona sei ugandanga?

 Mwari anovenga kurwisana uye ugandanga. (Pisarema 11:5; Zvirevo 6:16, 17) Jesu, mumiririri waMwari, akatsiura vadzidzi vake pavakanga vava kuda kuita zvekurwa. (Mateu 26:50-52) Kunyange zvazvo vamwe vachiti kurwisa kwavanoita kunotenderwa naMwari, Mwari haafariri zvavanoita. Haatomboteereri minyengetero yavo.—Isaya 1:15.

 Mwari anonzwira tsitsi vanhu vanotambura, kusanganisira vaya vanorwiswa nemagandanga. (Pisarema 31:7; 1 Petro 5:7) Bhaibheri rinoratidzawo kuti Mwari achabvisa kurwisana.—Isaya 60:18.

Chii chinoita kuti pave neugandanga?

 Bhaibheri rinoratidza chinoita kuti pave neugandanga parinoti: ‘Munhu anotonga munhu achimubata zvakaipa.’ (Muparidzi 8:9) Kubvira kare, vanhu vane simba vanoita zveugandanga kuti vadzvinyirire vamwe. Vamwe vanenge vachidzvinyirirwa vanorwisawo vachiita zveugandanga.—Muparidzi 7:7.

Kupera kuchaita ugandanga

 Mwari anovimbisa kuti achabvisa kurwisana uye achaita kuti panyika pave nerugare pasisina chekutya.—Isaya 32:18; Mika 4:3, 4.

  •   Achabvisa chinokonzera ugandanga. Mwari achabvisa hurumende dzese dzevanhu, odzitsiva nehurumende yake ichatonga pasi rese. Mutongi wehurumende iyi, Jesu Kristu, achabata vanhu vese zvakaenzana uye achabvisa udzvinyiriri nekurwisana. (Pisarema 72:2, 14) Panguva iyoyo hapana achaita zveugandanga. Vanhu “vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda.”—Pisarema 37:10, 11.

  •   Achabvisa matambudziko anokonzerwa neugandanga. Mwari achaporesa vanhu vakakuvadzwa uye vakashungurudzwa neugandanga. (Isaya 65:17; Zvakazarurwa 21:3, 4) Anotovimbisa kuti achamutsa vakafa oita kuti vararamezve panyika ine rugare.—Johani 5:28, 29.

 Zvinotaurwa neBhaibheri zvinoita kuti tivimbe kuti Mwari achakurumidza kugadzirisa zvinhu. Asi unogona kubvunza kuti, ‘Mwari adii kubva atogumisa ugandanga izvezvi?’ Kuti uwane mhinduro yacho, ona vhidhiyo inonzi Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

a “Ugandanga” hunowanzoreva kurwisa kana kuti kutyisidzira vanhu kuti vaite zvaunenge uchida panyaya dzezvematongerwo enyika, dzechitendero kana kuti tsika nemagariro. Asi panoitika chimwe chinhu vanhu vanogona kutadza kubvumirana kuti ugandanga here kana kuti hausi.