RAMBAI MAKAMUKA!
Vanhu Havachavimbi Nevatungamiriri Vezvematongerwo Enyika—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Muna 2024 muchange muchiitwa sarudzo munyika dzakawanda. Aka ndekekutanga kuti nyika dzakawanda dziite sarudzo mugore rimwe chete. Asi vanhu vakawanda havasisiri kuvimba nevatungamiriri vezvematongerwo enyika.
Vanhu vakawanda vekuAmerica vari kuti “vatungamiriri vezvematongerwo enyika vakawanda vava kungofunga zvakavanakira ivo pachavo” pane kufunga zvakanakira ruzhinji rwevanhu. a—Pew Research Center, September 19, 2023.
Kunyange vechidiki vakawanda naivowo havasisiri kuvimba nevatungamiriri vezvematongerwo enyika.
“Mazuva ano vechidiki vari kunyanya kufunga kuti zvii zvingaitwa kuti matambudziko ari panyika agadziriswe. Asi ongororo dziri kuratidza kuti vatungamiriri vezvematongerwo enyika vari kushayawo kuti matambudziko acho angagadziriswa sei.”—The New York Times, January 29, 2024.
“Imwe ongororo yakati vechidiki vakawanda vanonyanya kuvimba nevanhu vakakurumbira vanobudisa mashoko paYoutube, kunyanya vaya vane vanhu vakawanda vanovatevera. Vanotovimba nevanhu ava kupfuura kuvimba kwavanoita nevatungamiriri vezvematongerwo enyika.”—The Korea Times, January 22, 2024.
Tinokwanisa here kuvimba nevatungamiriri vezvematongerwo enyika kuti vachaita kuti zvinhu zvinake mune ramangwana? Pane here watinogona kuvimba naye?
Ngwarira munhu waunovimba naye
Zvakakosha kuti munhu azive munhu wekuvimba naye. Bhaibheri rinoti “Munhu asina kuchenjera anongotenda shoko rese rese, asi munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.”—Zvirevo 14:15.
Kana uchida kubatsirwa kuziva kuti ndezvipi zvekutarisa kana uchida kuziva kuti mashoko auri kunzwa ndeechokwadi here kana kuti ndeenhema, verenga nyaya yakanzi “Ngwarira Mashoko Enhema.”
Chimwewo chaunofanira kuyeuka ndechekuti kunyange zvazvo vamwe vatungamiriri vezvematongerwo enyika vaine vavariro yakanaka uye vachida kubatsira, havazombokwanisi kuita zvese zvavanovimbisa. Ndosaka Bhaibheri richitiudza kuti:
“Usavimba nevatungamiriri vepanyika; hapana munhu wepanyika anogona kukuponesa.”—Pisarema 146:3, Good News Translation.
Mutungamiriri waunogona kuvimba naye
Bhaibheri rinoti Mwari ane mutungamiriri waakagadza anonyatsogona kutonga zvakanaka uye akavimbika. Mutungamiriri iyeye ndiJesu Kristu. (Ruka 1:32, 33) Jesu ndiye Mambo weUmambo hwaMwari, hurumende inotonga iri kudenga.—Mateu 6:10.
Inzwa kuti nemhaka yei uchigona kuvimba naJesu uye zvaachaita kuti agadzirise matambudziko atiri kusangana nawo. Verenga nyaya yakanzi “Ndiani Mambo weUmambo hwaMwari?” neimwewo yakanzi “Umambo hwaMwari Huchaitei?”
a Pew Research Center, “Americans’ Dismal Views of the Nation’s Politics,” September 2023.