Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Kana Wava Kunyanya Kurwara

Zvaungaita Kana Wava Kunyanya Kurwara

 Utano hwako hwangoerekana hwachinja here? Chokwadi ndechekuti kurwara kunogona kuita kuti uvhiringidzike uye kazhinji kacho panenge pachida mari yakawanda kuti urapwe. Chii chinogona kukubatsira kutsungirira? Ungabatsira sei hama kana shamwari yako iri kurwara? Bhaibheri harisi bhuku rezveutano asi rine mazano anogona kukubatsira kutsungirira.

Mazano anogona kukubatsira kutsungirira dambudziko reutano

  •   Enda unoona chiremba

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vanhu vane utano hwakanaka havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.”—Mateu 9:12.

     Zvazvinoreva: Enda kuchipatara kana zvichiita.

     Edza izvi: Tsvaga chipatara chaunoona kuti chinorapa zviri nani. Dzimwe nguva zvakanaka kubvunza vanachiremba vaviri kana vatatu kuti uite chisarudzo chakanaka. (Zvirevo 14:15) Tsanangurira vanachiremba dambudziko rako zvakajeka kuti vanyatsoziva kuti vangakubatsira sei, uye kana paine zvausiri kunzwisisa vabvunze. (Zvirevo 15:22) Tsvakurudza kuti uzive nezvechirwere chako uye nzira dzakasiyana-siyana dzekurapwa nadzo. Kana ukanzwisisa dambudziko rako zvichakubatsira kuti ukwanise kuzvigamuchira woita zvisarudzo zvakanaka zvichakubatsira kurarama nedambudziko iroro.

  •   Ramba uchiita zvinhu zvinobatsira pautano

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kusimbisa muviri kunobatsira.”—1 Timoti 4:8.

     Zvazvinoreva: Zvakanaka kuti ugare uchiita zvinhu zvinobatsira pautano zvakadai sekuekisesaiza.

     Edza izvi: Usachinja-chinja nguva nemazuva zvaunoita ekisesaizi, gara uchidya zvekudya zvine utano uye wana nguva yakakwana yekurara. Kunyange zvazvo uchiri kujairana nechirwere chawava nacho, vezveutano vanoti zvakakosha kuti ushande nesimba kuti urambe uine utano hwakanaka. Asi iva nechokwadi chekuti zvauchasarudza kuita hazvizoiti kuti uwedzere kurwara kana kukanganisa mashandiro emishonga yaunenge wapiwa kuchipatara.

  •   Tsvaga kubatsirwa nevamwe

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

     Zvazvinoreva: Shamwari dzako dzinogona kukubatsira zvinhu pazvinenge zvakakuomera.

     Edza izvi: Taura neshamwari yaunovimba nayo yaunogona kuudza zviri pamwoyo pako. Kuita izvi kunogona kukubatsira kuti usanyanye kuzvidya mwoyo pasinei nekurwara kwaunenge uchiita. Hama neshamwari dzinoda chaizvo kukubatsira asi vangasaziva kuti voita sei. Saka vaudze kuti ndezvipi zvaunoda kubatsirwa nazvo. Usanyanya kutarisira zvakawandisa uye nguva dzese tenda zvavanokuitira. Dzimwe nguva ungatofanira kuvaudza kuti inguva dzipi dzaunoda kuti vakushanyire uye kwenguva yakareba sei, kuitira kuti uwane nguva yekuzorora.

  •   Iva nemaonero akanaka

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mwoyo unofara mushonga wakanaka, asi kusuruvara kunopedza simba remunhu.”—Zvirevo 17:22.

     Zvazvinoreva: Kuva nemaonero akanaka kuchakubatsira kuti urambe wakadzikama uye ukwanise kutsungirira.

     Edza izvi: Paunenge uchijairana nekuchinja kwaita zvinhu, isa pfungwa dzako pane zvaunokwanisa kuita. Usazvienzanisa nevamwe kana kuenzanisa nezvawaimboita usati wava kurwara. (VaGaratiya 6:4) Iva zvinangwa zvaunokwanisa kuzadzisa. Kuita izvi kuchakubatsira kuti urambe uchifara. (Zvirevo 24:10) Kana uchikwanisa itawo zvimwe zvinhu kuti ubatsire vamwe. Mufaro waunowana pakuitira vamwe zvimwe zvinhu uchakubatsira kuti usanyanya kufunga nezvedambudziko rako.—Mabasa 20:35.

Mwari achakubatsira here paunenge uchirwara?

 Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha Mwari a anogona kubatsira munhu anenge achirwara. Kunyange zvazvo tisingatarisiri kuti Mwari abve aita chishamiso chekuporesa, anogona kubatsira vaya vanomunamata achishandisa nzira dzinotevera:

 Rugare. Jehovha anogona kukupa “rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese.” (VaFiripi 4:6, 7) Rugare urwu runogona kubatsira munhu kuti asanyanya kuzvidya mwoyo. Mwari anopa rugare rwake kune vaya vanonyengetera kwaari vachimuudza zvinovadya mwoyo.—1 Petro 5:7.

 Uchenjeri. Jehovha anogona kukupa uchenjeri hwekuti uite zvisarudzo zvakanaka. (Jakobho 1:5) Munhu anowana uchenjeri uhwu paanodzidza uye paanoshandisa mazano ari muBhaibheri.

 Tariro yakazonaka yeramangwana. Jehovha anovimbisa kuti mune ramangwana “hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isaya 33:24) Tariro iyi inoita kuti vakawanda vanenge vachirwara vasanyanye kunetseka.—Jeremiya 29:11, 12.

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.—Pisarema 83:18.