MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO
Kubudiswa Kwebhuku Rinonyanya Kukosha Kupfuura Mamwe Ese
1 JANUARY, 2021
“Ndanga ndava nemakore 19 ndakangomirira!” Hama yedu yaimirirei? Yaimirira kubudiswa kweShanduro Yenyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro wayo weBengali. Ndizvo zvinotaura vakawanda panobudiswa Shanduro Yenyika Itsva mumutauro wavo. Asi wakambofunga here kuti zvii zvinoitwa pakushandurwa uye kubudiswa kwemaBhaibheri aya?
Chekutanga, Komiti Yekunyora yeDare Rinotungamirira inopa basa kuboka revashanduri. Zvinotora nguva yakareba sei kuti Bhaibheri rishandurwe? Nicholas Ahladis, uyo anoshanda muDhipatimendi Rinobatsira Vashanduri kuWarwick, New York, anoti: “Pane zvinhu zvakawanda zvinobatanidzwa zvakadai sekuti pane vashanduri vakawanda sei vanokwanisa kuita basa racho, kuoma kwakaita mutauro wacho, uye kuti vanhu vanoverenga mutauro wacho vanonzwisisa sei zvakanga zvakaita upenyu munguva dzinotaurwa muBhaibheri, uyewo kuti mutauro wacho unotaurwa zvakasiyana here munzvimbo nenzvimbo. Zvinowanzotora gore kusvika kumakore matatu kuti boka revashanduri ringoshandura Magwaro echiKristu echiGiriki chete uye makore 4 kana kupfuura kuti rishandure Bhaibheri rese. Kana iri mitauro yemasaini zvinototora nguva yakareba kudarika ipapo.”
Kuti Bhaibheri rishandurwe panotodiwawo vamwe vasiri muboka revashanduri. Panodiwa vanhu vanobva kunzvimbo dzakasiyana-siyana uye dzimwe nguva vanobva kune dzimwe nyika kuti vaongorore shanduro yacho, uye vanhu ava vanoita basa iri vasingabhadharwi. Zvavanotaura zvinobatsira vashanduri kuti vabudise Bhaibheri rinotaura chokwadi uye rinonzwisisika. Izvi zvinokosha chaizvo kuvashanduri, ndosaka mumwe anobatsira vashanduri veBhaibheri ari kuSouth Africa akati, “vashanduri vanonzwa vaine basa rakakura chaizvo rekuitira Jehovha uye vanhu vanoverenga Shoko rake.”
Kana Bhaibheri rapera kushandurwa mapeji acho anofanira kuprindwa obatanidzwa. Kuti vaite izvi vanoshandisa zvinhu zvakadai semapepa, ingi, zvinhu zvekunamisa nezvimwewo zvinhu zvakawanda. Muna 2019, pakashandiswa mari yekuAmerica inodarika mamiriyoni 20 emadhora pakutenga zvinhu izvi. Vanhu vanoshanda mudhipatimendi redu rinoita zvekuprinda vakashanda maawa anodarika 300 000 mugore iroro kuti vabudise uye vatumire maBhaibheri munzvimbo dzakasiyana-siyana.
“Bhaibheri ndiro bhuku rinonyanya kukosha pamabhuku ese atinobudisa”
Nei pachishandiswa nguva nemari yakawanda zvakadaro pakuita basa iri? Joel Blue anoshanda muDhipatimendi Rinoona Nezvekuprindwa uye Kutumirwa Kwemabhuku anoti, “Bhaibheri ndiro bhuku rinonyanya kukosha pamabhuku ese atinobudisa, saka tinoda kuti kutaridzika kwaro kurumbidze Mwari watinonamata uye mashoko atinoparidza.”
Tinewo Shanduro Yenyika Itsva, yakagadzirirwa vanhu vakasiyana-siyana. Semuenzaniso, Shanduro Yenyika Itsva yebraille iyo inoshandiswa nevasingaoni, yakabudiswa mumitauro 10. Bhaibheri rimwe chete rebraille rinogona kutora maawa anosvika 8 kurigadzira, uye rakakura zvekuti rinotoda kuchengeterwa panzvimbo yakakura mamita 2,3 kana kuti kudarika. Tinogadzirirawo vasungwa Bhaibheri rine kavha yebepa nekuti ndiro rinobvumirwa mumajeri.
Shanduro Yenyika Itsva iri kuchinja upenyu hwevanhu vanoiverenga. Semuenzaniso vanhu vari muungano yemutauro weKiluba iri munzvimbo inonzi Tombe kuDemocratic Republic of the Congo vakabatsirwa chaizvo. Tombe iri kure neguta guru renyika yacho nemakiromita anodarika 1 700. Zvapupu zveko zvaingova neBhaibheri rimwe chete uye raiva mumutauro weKiluba wekare. Bhaibheri rimwe chete iroro ndiro raishandiswa nehama dzese pakugadzirira misangano. Asi kubva muna August 2018, Bhaibheri reShanduro Yenyika Itsva remutauro weKiluba wemazuva ano rava kuwanikwa nemunhu wese ari muungano.
Imwe hanzvadzi inotaura chiGerman yakataura nezveShanduro Yenyika Itsva yakadzokorodzwa yemutauro wayo ichiti: “Handichaiti zvekuzvimanikidza kuverenga Bhaibheri. Asi ndava kutozvibvunza kuti, ‘Ndiriini pandingaverenga zvimwe?’” Mumwe musungwa akanyora kuti: “Ndakapiwa Shanduro Yenyika Itsva uye iri kuchinja upenyu hwangu. Handina kumbobvira ndanzwisisa Shoko raMwari sezvandava kuita kubva pandatanga kuverenga shanduro iyi. Ndinoda kuziva zvakawanda nezveZvapupu zvaJehovha uye kuti ndingava sei mumwe wavo.”
Vanhu vese vanoverenga Shanduro Yenyika Itsva vanoonga zvipo zvinoita kuti shanduro iyi ibudiswe. Zvipo izvi zvinotsigira basa remunyika yese zviri kupiwa pachishandiswa nzira dziri pawebsite yedu pakanzi donate.mt1130.com. Tinokutendai nerupo rwenyu.