Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

DAYRELL SHARP | NYAYA YEUPENYU

Tichibatsirwa Nesimba raMwari, Hatidzokeri Shure

Tichibatsirwa Nesimba raMwari, Hatidzokeri Shure

“Haatombopedzi kana mwedzi!” Izvi ndizvo zvakataurwa nedzimwe hama dzaiva muungano yandaipinda nayo pandakazadza fomu rekuva piyona webetsero muna 1956. Ndaiva nemakore 16. Ndakanga ndava nemakore 4 ndabhabhatidzwa pashure pekunge ndakurudzirwa neimwe hama yandaifarira. Makore iwayo vakuru vakanga vasingakurukuri nemunhu kuti vaone kana akakodzera kubhabhatidzwa.

 Hama idzi dzaiva nechikonzero chakanaka chekufunga kuti ndaizotadza kuramba ndichipayona. Pfungwa dzangu dzakanga dzisiri pakushumira Jehovha. Ndaisafarira ushumiri zvekuti ndaitonyengetera kuti kunaye musi weSvondo kuti ndirege kuenda kunoparidza. Pandaienda pacho, ndaingopa vanhu mabhuku; ndakanga ndisati ndamboparidza ndichishandisa Bhaibheri. Amai vangu vaitondinyengerera vondipa chimwe chinhu kuti ndibvume kuverenga Bhaibheri pamisangano. Ndakanga ndisingafariri kudzidza uye ndakanga ndisina zvinangwa pakushumira Jehovha.

 Gore iroro kwakaitwa gungano reruwa (rava kunzi gungano remunharaunda) muCardiff, kuWales. Gungano iroro rakachinja upenyu hwangu. Mumwe wevakurukuri akabvunza mibvunzo yakaita kuti ndifunge. Akabvunza vateereri kuti: “Wakazvitsaurira ukabhabhatidzwa here?” Nechemumwoyo ndakabva ndati, ‘Ehe.’ “Wakavimbisa kushumira Jehovha nemwoyo wako wese, nemweya wako wese, nepfungwa dzako dzese uye nesimba rako rese here?” Ndikati ‘Ehe.’ “Pane zvingakutadzisa kupayona zvakadai seutano kana kuti kuriritira mhuri here?” Ndikati ‘Aiwa.’ “Pane chiri kukutadzisa kupayona here?” Ndikati ‘Aiwa.’ Mukurukuri uya achibva ati “Kana mhinduro yako kumubvunzo wekupedzisira iri yekuti aiwa, nei usiri kupayona?”

 Izvi zvakandibatsira kuti ndinyatsofunga nezveupenyu hwangu. Ndakazviudza kuti: ‘Ndiri kutambisa upenyu hwangu. Handisi kuita zvandakavimbisa Jehovha pandakazvitsaurira kwaari. Handisi kumushumira nemweya wese.’ Ndakaona kuti kana ndichida kuti Jehovha aite zvaakandivimbisa ndinofanirawo kuita zvandakamuvimbisa. Saka muna October 1956, ndakabva ndatanga upiyona hwezororo hwatava kuti hwebetsero.

Muna 1959, ndakanzi ndinoshanda sapiyona chaiye kuAberdeen

 Gore rakatevera racho, ndakatanga kushanda sapiyona wenguva dzese uye ndakatamira kune imwe ungano yaiva nevaparidzi 19. Kubva pandakatanga kupinda neungano iyoyo, ndaipiwa hurukuro vhiki rega rega. Ndakabatsirwa nehama dzaiva nemwoyo murefu, ndikavandudza mapiro andaiita hurukuro dzangu. Papera makore maviri, muna 1959, ndakagadzwa sapiyona chaiye uye ndakanzi ndinoshanda kuAberdeen, iri kuchamhembe kweScotland. Pashure pemwedzi mishoma, ndakanzi ndinoshanda paBheteri rekuLondon. Ndakava neropafadzo yekushanda mudhipatimendi rekuprinda kwemakore 7 andaiva ipapo.

 Ndaifarira kushanda paBheteri asi ndakanga ndava nechido chekuita basa renguva yakazara ndiri mundima. Ndaiva mudiki, ndiine utano hwakanaka nechido chekushumira Jehovha chero kwaaida kuti ndiende. Saka muna April 1965, ndakanyorera kuti ndipinde Chikoro cheGiriyedhi kuti ndidzidziswe kuita basa reumishinari.

 Gore iroro ini nemumwe wandaigara naye paBheteri takaenda kunopinda gungano kuBerlin, kuGermany uye taida kunoonawo Berlin Wall, iyo yakanga yavakwa makore mashoma akanga apfuura.

 Mumwe musi tiri pagungano takawana mukana wekubuda muushumiri uye ndakabuda naSusanne Bandrock. Takachata muna 1966 uye papera makore maviri takakokwa kuti tipinde kirasi yechi47 yechikoro cheGiriyedhi. Ichi chaiva chikomborero chakakura! Hatina kumboona kuti mwedzi yacho 5 yakapera sei. Takanzi tinoshanda kuZaire, iyo yava kunzi Democratic Republic of the Congo. Takashamisika chaizvo! Hatina zvakawanda zvataiziva nezvenyika iyi. Taitya, asi takabvuma kuenda tichivimba naJehovha.

Muna1969, ini naSusanne takagirajuweta kuChikoro cheGiriyedhi

 Takaita maawa akawanda tiri panhandare dzendege uye tiri mundege ndokuzosvika mutaundi diki rinonzi Kolwezi. Takanetseka kuti nei hama dzisina kuuya kuzotitambira. Takazoziva kuti teregiramu yaifanira kuudza hama nezvekuuya kwedu yakazosvika pashure pemazuva maviri isu tatosvika. Mumwe mupurisa wepanhandare yendege akauya kwatiri achibva ataura nesu nemutauro wechiFrench, asi takanga tisati tava kuunzwisisa. Mukadzi aiva pamberi pedu akacheuka achibva ati kwanzi, “Masungwa.”

 Mupurisa wacho akabva amanikidza mumwe murume kuti atitakure nekamota kake kadiki kaingokwana vanhu vaviri. Hatizivi kuti mupurisa wacho, muridzi wemota, ini nemudzimai wangu takakwana sei mukamota kacho. Raiita kunge firimu chairo. Taifamba tichigujurwa munzira yainge yakazara makomba, uye bhuti racho iro raiva nemabhegi edu rakanga risingavhariki.

 Takaendeswa kuimba yemamishinari. Kunyange zvazvo isu taisaziva kune imba yacho, mupurisa wacho aikuziva. Takasvika pasina vanhu uye gedhi rakakiyiwa. Mamishinari acho akanga aenda kumagungano emarudzi (ayo atava kuti magungano enyika dzakawanda) uye vamwe vakanga vaenda kuzororo. Patainge takamira tichitsva nezuva, tainetseka kuti saka tichaita sei. Pakazosvika imwe hama. Payakationa yakanyemwerera, uye takanzwa kugadzikana. Hama iyi yaizivana nemupurisa wacho uye mupurisa uyu aitarisira kuti tichamupa mari. Hama yacho yakaita kanguva ichitaurirana nemupurisa wacho achibva azoenda, isu tichibva tasara tichipinda mukati.

Tiri panze peimba yemamishinari muZaire nahama Nathan H. Knorr pavakashanya muna 1971

Yakanga Isiri Nguva Yekudzokera Shure

 Takaona kuti takanga tiri pakati pevanhu vanofara uye vane rudo vakanga vatsungirira zvinhu zvakawanda. Asi zvinosuwisa kuti kusagadzikana kwezvinhu uye kupandukirana zvakanga zvaita kuti munyika macho muve nekurwisana kwemakore 10. Muna 1971, basa reZvapupu zvaJehovha rakabva rabhanwa munyika yacho. Takanetseka kuti taizoita sei.

 Yakanga isiri nguva yekubvumira kutya kuchitidzorera kumashure, uye hama nehanzvadzi dzakawanda hadzina kudzokera shure pasinei nekuti vaimanikidzwa kufamba vaine makadhi uye mabheji ezvematongerwo enyika. Kana munhu asina kupfeka bheji akaenda kumahofisi ehurumende achida kubatsirwa nechimwe chinhu, vairamba uye aishungurudzwa nemasoja uye mapurisa. Hama dzakadzingwa mabasa uye vana vakadzingwa chikoro. Hama dzakawanda dzakavharirwa mujeri. Zvakanga zvakaoma. Asi Zvapupu zvakaramba zvichiparidza mashoko akanaka neushingi.

Taifanira Kutsungirira

 Mumakore iwayo ini naSusanne takaita nguva yakareba tichiita basa remudunhu nereruwa kumamisha. Pataigara kumamisha, taisangana nematambudziko akasiyana-siyana. Dzimba dzacho, idzo dzaiva dzakapfirirwa neuswa dzaiva diki zvekuti pakanga pasina nzvimbo yakakwana yekurara. Handitombozivi kuti ndakarovera musoro wangu kangani pandaipinda mudzimba idzodzo. Taigeza mvura yemurwizi. Usiku taiverenga nemakenduru. Taibika nemarasha. Tainyatsoona kuti uhwu ndihwo upenyu hwemumishinari. Iri ndiro basa ratakanga tauya kuzoita. Tainzwa kuti tiri kuitira Jehovha basa guru rinokosha chaizvo.

 Kugara neZvapupu zveko, kwakatidzidzisa kukoshesa zvinhu zvinogona kuonekwa sezvisina kunyanya kukosha zvakadai sezvekudya, mvura, zvekupfeka uye pekugara. (1 Timoti 6:8) Zvimwe zvese unenge watova mutambarakede. Nanhasi, tichiri kuyeuka chidzidzo ichi.

 Kunyange zvazvo tisina kusangana nemiedzo yakaita seyemuapostora Pauro, dzimwe nguva nzendo dzataifamba dzaiita kuti tinzwe sekuti kutenda kwedu uye vavariro dzedu zvaiedzwa. Taifamba munzira dzainge dzakashata uye pamwe pacho paiita sepasina kana nzira. Pataifamba munzira dzine matombo, taigujurwa zvisingaiti. Dzimwe nguva, mota yedu yainyura mujecha. Munguva yekunaya mota yedu yainyura mumadhaka ainama. Rimwe zuva, takangokwanisa kufamba makiromita 70 chete uye mota yedu yakanyura ka12.

Pataiita basa redu, taiwanzonetseka pakufamba

 Asi pataishumira tiri kumamisha tichisangana nematambudziko akaoma ndipo patainyanya kunzwa tiri pedyo naJehovha. Takadzidza kuti tichibatsirwa naJehovha tinogona kutsungirira tichifara, kunyange patinenge tisingakwanisi kugadzirisa dambudziko ratinenge tiinaro. Susanne haasi munhu anofarira zvekufamba-famba asi pese patakasangana nemiedzo uye matambudziko, haana kumbobvira agunun’una. Patinofunga nezvemazuva iwayo, tinoyeuka kufara kwataiita uye zvinhu zvakawanda zvatakadzidza.

 Pataiva kuZaire, ndakasungwa kakawanda. Pane pandakambosungwa ndichipomerwa kuti ndaitengesa madhaimondi zvisiri pamutemo. Izvi zvakaita kuti tinetseke, asi takazviudza kuti kana Jehovha achida kuti tiite ushumiri hwedu, aizotibatsira uye ndizvo zvaakaita chaizvo.

Kuramba Tichishumira Jehovha

 Muna 1981, takanzi tinoshanda pahofisi yebazi muKinshasa. Gore rakanga radarika racho, takanga tabvumirwazve kutanga kuita basa redu. Hama dzakatenga nzvimbo yekuvaka hofisi yebazi yakati kurei. Asi muna March 1986, purezidhendi wenyika yacho akabhana basa reZvapupu zvaJehovha, tisingatombozvitarisiri. Basa rekuvaka rakabva ramira uye pasina nguva, mamishinari akawanda akabuda munyika yacho.

Takashanda pahofisi yebazi yekuZaire kwemakore mashoma

 Isu takambosara tiriko. Takaita zvese zvataigona kuti tirambe tichiparidza, kunyange zvazvo taiziva kuti taigara tichiongororwa nevakuru vakuru vehurumende. Pasinei nekuti taiparidza takangwarira, ndakasungwa ndichiitisa chidzidzo cheBhaibheri. Ndakaiswa mukamuri rakakura raiita kunge riri mugomba, maiva makazara vamwe vasungwa. Maipisa, mainhuwa, maiva nerima uye makanga musingapindi mhepo. Paingova nekaburi kadiki kaiva mudenga kaipinza mhepo nechiedza. Vamwe vasungwa vakandibata ndokundiendesa kune mumwe musungwa aizviita mutungamiriri. Akanditi, “Imba rwiyo rwenyika yedu!” Ndakabva ndati, “Handiruzivi.” Vakabva vati, “Chiimba rwenyika yako!” Ndakati, “Handiruzivi.” Akabva aita kuti ndimire ndakazembera madziro kwemaminitsi 45. Hama dzeko dzakazoita kuti ndibudiswe.

Muna 1987, tichangobva kusvika pabazi rekuZambia

 Taiona kuti zvinhu zvakanga zvisiri kuzochinja munyika yacho, uye takazonzi tiende kuZambia. Pataienda kuZambia, tairwadziwa asiwo taifara. Taifunga nezvemakore 18 atakashanda pamwe chete nemamishinari akatendeka uye hama nehanzvadzi dzekuZaire. Kunyange zvazvo upenyu hwaimbooma, taiona kuti Jehovha akanga atikomborera uye taiziva kuti aiva nesu mumakore ese aya. Takanga tadzidzira kutaura chiSwahili nechiFrench, uye Susanne akanga adzidzirawo chiLingala. Takabudirira muushumiri zvekuti takatobatsira vanhu vanopfuura 130 kuti vasvike pakubhabhatidzwa. Taigutsikanawo nekuziva kuti basa ratakanga taita raizobatsira vanhu vakawanda kuti vadzidze chokwadi. Uye ndizvo zvakazoitika, vanhu vakawanda vakazodzidza chokwadi. Muna 1993, Dare Repamusorosoro rakachinja mutongo wakanga wapiwa muna 1986 wekubhana basa redu. Iye zvino muCongo mava nevaparidzi veUmambo vanopfuura 240 000.

 Panguva yatanga tiri muno muZambia, taona hofisi yebazi itsva ichivakwa uye ichiwedzerwa. Kubva patakauya muna 1987, nhamba yevaparidzi yawedzera zvakapetwa katatu.

Zvakaita bazi rekuZambia

 Saka chii chakazoitika kuhama iya yechidiki yaiita sekuti yaisazopedza mwedzi iri mubasa renguva yakazara? Ndichikomborerwa naJehovha uye ndichibatsirwa nemudzimai wangu, Susanne, ndava nemakore 65 ndiri mubasa renguva yakazara uye ndakaravira ndikazvionera kuti Jehovha akanaka!—Pisarema 34:8.

 Tinoziva kuti tingori vanhuwo, asi takaedza zvese zvataigona kuti tirambe tichiita zvatakavimbisa patakazvitsaurira. Tinovimba kuti Jehovha acharamba achitibatsira kuti ‘tisambodzokera shure’ asi kuti tiwedzere kutenda “kunotichengetedza tiri vapenyu.”—VaHebheru 10:39.

Ini naSusanne tichiri kushumira tiri pabazi rekuZambia

 Ona vhidhiyo inonzi Dayrell naSusanne Sharp: Takavimbisa Kushumira Jehovha Nemwoyo Wese.