24 DECEMBER 2021
CANADA
Kuyeuka Kutenda Kwakaratidzwa Nehama Mumisasa Yevasungwa kuCanada
Muna 1946, hurumende yeCanada yakasunungura Zvapupu zvaJehovha zvechidiki zvaiva mumisasa yevasungwa munharaunda yaiva kure nekwaigara vanhu. Hama dzedu dzechidiki dzinoda kusvika 300 dzaishandiswa zvakaoma mumisasa iyi nekuti dzainge dzaramba kupinda muchiuto nemhaka yezvadzinotenda. Vakatsungirira kutambudzwa kwavaiitwa uye pavakazobudiswa, kutenda kwavo muna Jehovha kwakanga kwatowedzera kusimba. Pava nemakore 75 kubva pakabudiswa hama dzedu. Don MacLean, mumwe wehama idzi uyo achiri mupenyu akati: “Ndinogona kuti, zvinhu zvakawanda zvandakasangana nazvo panguva yehondo zvakandisimbisa chaizvo. Ndinotenda Jehovha pese pandinofunga nezvenguva iyi.”