Enda pane zvauri kuda

5 AUGUST 2022
PHILIPPINES

Kudengenyeka Kwenyika Kwakaitika Kuchamhembe kwePhilippines

Kudengenyeka Kwenyika Kwakaitika Kuchamhembe kwePhilippines

Musi wa27 July 2022, pachitsuwa cheLuzon chiri muPhilippines pakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru. Nharaunda yeAbra ndiyo yakanyanya kuparadzwa. Kudengenyeka uku kwakanga kwakakura zvekuti kwakanzwiwawo muguta reManila, iro riri kure nemakiromita 400. Pane kumwe kudengenyeka kunosvika 2 000 kwakaitika pashure pekudengenyeka uku.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakafa

  • Vaparidzi 4 vakakuvara asi kwete zvakanyanya

  • Mhuri 42 dzaifanira kusiya misha yadzo kuti dziende kunzvimbo dzakachengeteka

  • Dzimba 63 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Imba imwe chete yakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 13 dzakakanganisika

Mabasa Ekuyamura

  • Pakagadzwa Komiti Yekubatsira Panoitika Njodzi imwe chete kuti ione nezvebasa rekuyamura

  • Vakuru vari kukurudzira hama nehanzvadzi dzakawirwa nenjodzi iyi

  • Basa rekuyamura riri kuitwa pachitevedzerwa mitemo ine chekuita nekuzvidzivirira paCOVID-19

Hofisi yebazi yakakurumidza kutumira zvinhu zvekuyamura kuhama nehanzvadzi dzedu dziri munzvimbo yakaitika njodzi uye yakaronga kuti vawane pekufanogara. Hama nehanzvadzi dziri munzvimbo yacho dziri kubatsirana pasinei nekuti vese vakawirwa nenjodzi iyi.

Tine kutenda kwakasimba kwekuti Jehovha achanunura hama nehanzvadzi dzedu ‘panguva iyi yekutambudzika.’—Pisarema 50:15.