19 SEPTEMBER 2022
SPAIN
Kugadziridzwa Kwezvivakwa Zvebazi rekuSpain Kunobatsira Basa Rekushandura
Bazi rekuSpain richangobva kupedza kugadziridza chimwe chivakwa chavo chemahofisi. Chivakwa ichi chichange chichishandiswa neDhipatimendi Rekushandura. Pachine rimwe basa rakakura rekugadziridza zvimwe zvivakwa zviri pabazi iri uye basa racho rinotarisira kupedzwa muna 2025.
Mahofisi aya ane raibhurari yakakura zvekutakura mabhuku anosvika 4 000 anoshandiswa pakutsvakurudza. Raibhurari yacho ine mabhuku asingawanikwi paindaneti.
Hama John Bursnall, avo vari muDare Rebazi rekuSpain vakati: “Basa rinoitwa pabazi reSpain rachinja chaizvo mumakore 25 apfuura. Kare tainyanya kuita basa rekuprinda mabhuku nekuchengeta anenge asati atumirwa kunyika dzakasiyana-siyana. Asi iye zvino tava kushandura muchiSpanish uye muMutauro Wemasaini wekuSpain, pamwe chete nekugadzira zvinyorwa zvebraille mumitauro yakawanda yemuEurope. Ndosaka taida imwe nzvimbo yekushandisa semahofisi. Kugadziridzwa uku kwezvivakwa kuchatibatsira kuti tinyatsokwanisa kutsigira hama nehanzvadzi dzedu dziri munyika dzakawanda.”
Zvivakwa 4 zvinogara vanhu zvakatotanga kugadziridzwa. Hama nehanzvadzi dzinosvika 200 dzakazvipira kuita basa iri. Kuitira kuti vashandi ava vazowana pekugara, pane tudzimba twakagadzirwa pabazi racho.
Vanhu vakawanda vari kuuya muchokwadi kuSpain. Iye zvino munyika yacho mune vaparidzi 120 530 uye mapiyona enguva dzese anosvika 23 565. Mugore rebasa rapfuura nhamba yevanhu vanopayona yakawedzera ka8.
Tinoziva kuti Jehovha achatsigira basa iri rekugadziridzwa kwezvivakwa kuitira kuti zita rake dzvene rirambe richikudzwa.—Pisarema 61:8.