Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Zvinhu Zvawamboverenga​—Android

Zvinhu Zvawamboverenga​—Android

JW Library inochengeta nyaya uye zvitsauko zveBhaibheri zvaunenge waverenga. Izvi zvinogona kukubatsira, sepaya paunenge uchida kudzoka pavhesi yawamboverenga.

Mirayiridzo inotevera ichakubatsira:

 Vhura Zvawamboverenga

Baya kabhatani kari kuratidzwa pano kuti uone mavhesi uye nyaya dzawapedzisira kuverenga. Baya vhesi kana kuti nyaya yaunenge uchida kudzoka pairi.

 Dzima Zvawaverenga

Vhura zvawamboverenga zvacho. Chibaya Clear kana uchida kuzvidzima.

Zvinhu izvi zvakatanga kushanda muna May 2014 paJW Library 1.2, iyo inoshanda paAndroid 2.3 zvichikwira. Kana usiri kuzviona, ona mirayiridzo iri papeji rakanzi “Tanga Kushandisa JW Library​—Android,” pasi pemusoro wakanzi Kuti Uwane Zvitsva Zviripo.