Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingadani Nzvimbo Yazvinonamatira Kuti Chechi?
MuBhaibheri, shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “chechi” rinoreva boka revanamati, kwete chivako chinonamatirwa.
Ona muenzaniso uyu: Muapostora Pauro paakanyorera vaKristu vokuRoma, akatumira kwaziso kune murume nemudzimai vaainamata navo Akwira naPrisira, uye akawedzera kuti: “Ndikwazisireiwo chechi inonamatira pamba pavo.” (VaRoma 16:5, Contemporary English Version) Pauro akanga asiri kukwazisa chivako. Asi aikwazisa vanhu, vainamatira pamba pavo. a
Saka panzvimbo pokudana nzvimbo dzatinonamatira tichidziti chechi, tinoti “Imba yoUmambo.”
Sei Ichinzi “Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha”?
Mashoko aya akakodzera nokuda kwezvikonzero zvakati kuti:
Chivako ichi imba, kana kuti inzvimbo yokunamatira.
Tinoungana kuti tinamate Jehovha, Mwari anotaurwa muBhaibheri, uye kuti tipupurire nezvake.—Pisarema 83:18; Isaya 43:12.
Tinounganawo kuti tidzidze nezveUmambo hwaMwari, uhwo Jesu aigara achitaura nezvahwo.—Mateu 6:9, 10; 24:14; Ruka 4:43.
Wakasununguka kuenda paImba yoUmambo iri pedyo newe kuti uzvionere kuti Zvapupu zvaJehovha zvinonamata sei.
a Kwaziso dzakadaro dzinowanikwawo pana 1 VaKorinde 16:19; VaKorose 4:15; uye Firimoni 2.