Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Johani 3:16—“Nekuti Mwari Akada Nyika Kwazvo”

Johani 3:16—“Nekuti Mwari Akada Nyika Kwazvo”

 “Nekuti Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.”—Johani 3:16, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16, Bhaibheri Dzvene muchiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naJohani 3:16

 Mwari anotida uye anoda kuti tirarame nekusingaperi. Ndosaka akatuma Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kuti auye pano panyika. Jesu akaita basa rinokosha paaiva pasi pano. Akadzidzisa vateveri vake nezvaMwari, Baba vake. (1 Petro 1:3) Akafirawo vanhu. Kuti tiwane upenyu husingaperi, tinofanira kutenda muna Jesu.

 Mashoko ekuti “akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga” a anoratidza kuti Mwari anonyatsotida. Jesu ndiye Mwanakomana waMwari akasiyana nevamwe vese. Nei tichidaro? Jesu ndiye ega akasikwa naJehovha pachake. (VaKorose 1:17) Ndiye “dangwe rezvisikwa zvese.” (VaKorose 1:15) Zvimwe zvinhu zvese, kusanganisira dzimwe ngirozi, zvakazosikwa pachishandiswa Jesu. Kunyange zvakadaro, Jehovha b Mwari akatuma Mwanakomana wake waanoda chaizvo “kuzoshumira nekupa upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.” (Mateu 20:28) Jesu akatambudzwa uye akaurayiwa kuti tisunungurwe pachivi nerufu zvatakagara nhaka kubva kumunhu wekutanga, Adhamu.—VaRoma 5:8, 12.

 Kutenda muna Jesu hakungogumiri pakubvuma kuti Jesu ariko uye kuziva zvaakatiitira. Tinofanira kuratidza kuti tinotenda muMwanakomana waMwari nekumuteerera uye kutevera maakatsika namo. (Mateu 7:24-27; 1 Petro 2:21) Bhaibheri rinoti: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu.”—Johani 3:36.

Mashoko akapoteredza Johani 3:16

 Jesu akataura mashoko aya kune mumwe mutungamiriri wechitendero chechiJudha ainzi Nikodhimo. (Johani 3:1, 2) Paaitaura nemutungamiriri uyu, Jesu akataura nezveUmambo hwaMwari c uye “kuberekwazve.” (Johani 3:3) Akataurawo nezvekufa kwaaizoita. “Mwanakomana wemunhu anofanirawo kusimudzwa [kuturikwa padanda], kuti munhu wese anotenda maari ave neupenyu husingaperi.” (Johani 3:14, 15 ) Akabva azosimbisa kuti kuda vanhu kunoita Mwari ndiko kwakaita kuti vawane mukana wekurarama nekusingaperi. Jesu akazopedzisa nekutsanangura kuti kana tichida kuwana upenyu, tinofanira kuratidza kuti tine kutenda uye kuita zvinofadza Mwari.—Johani 3:17-21.

a Shoko rechiGiriki rekuti monogenes ndiro rakashandurwa kuti “akaberekwa ari mumwe oga” uye rinonzi rinoreva “chinhu chimwe chete, . . . chinhu chakasiyana nezvimwe zvese.”—A Greek-English Lexicon of the New Testament and Other Early Christian Literature, p. 658.

b Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.

c Umambo hwaMwari uhwo hunonziwo “Umambo hwekudenga,” ihurumende iri kudenga. (Mateu 10:7; Zvakazarurwa 11:15) Mwari akagadza Kristu kuti ave Mambo weUmambo hwacho. Umambo hwaMwari ndihwo huchaita kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:10) Kuti unzwe zvakawanda, ona nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?