Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

VaRoma 15:13—“Mwari Wetariro Ngaakuzadzei Nemufaro Wose Norugare”

VaRoma 15:13—“Mwari Wetariro Ngaakuzadzei Nemufaro Wose Norugare”

 “Mwari anopa tariro ngaakuzadzei nemufaro mukuru nerugare nekuvimba kwamunoita naye, kuti tariro yenyu iwedzere nesimba remweya mutsvene.”—VaRoma 15:13, Bhaibheri—Shanduro Yenyika Itsva.

 “Mwari wetariro ngaakuzadzei nemufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.”—VaRoma 15:13, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naVaRoma 15:13

 Paakataura mashoko aya, muapostora Pauro akaratidza chido chaaiva nacho chekuti Mwari azadze vaainamata navo ‘nemufaro nerugare.’ Mufaro uye rugare zvine pazvinobatana netariro inopiwa naMwari nesimba remweya mutsvene.

 Tinodzidza nezvetariro inopiwa naMwari muShoko rake, Bhaibheri. Maererano naVaRoma 15:4, “zvinhu zvese zvakanyorwa kare [muBhaibheri] zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti tive netariro inobva pakutsungirira kwedu uye pakunyaradza kunobva muMagwaro.” MuBhaibheri mune vimbiso yaMwari yekugadzirisa matambudziko anogona kuita kuti tishaye tariro akadai seurombo, kubatwa zvisina kunaka, zvirwere uye rufu. (Zvakazarurwa 21:4) Mwari achashandisa Jesu Kristu kuti azadzise zvaakavimbisa izvi, uye zvinotipa tariro yeramangwana rakanaka.—VaRoma 15:12.

 Tariro yatinopiwa naMwari inogona ‘kuwedzera,’ kana kuti ‘kufashukira’ kana tichivimba naMwari. Patinoramba tichidzidza nezvake, tichawedzerawo kuva nechivimbo chekuti anozadzisa zvaanotaura. (Isaya 46:10; Tito 1:2) Munhu anogona kuzadzwa nemufaro uye rugare kunyange paanenge aine matambudziko nemhaka yetariro yechokwadi inopiwa naMwari.—VaRoma 12:12.

 Rugare, mufaro netariro zvine pazvinobatanawo ‘nemweya mutsvene,’ kureva simba raMwari raanoshandisa kuita mabasa akasiyana-siyana. a Mwari anoshandisa mweya wake mutsvene kuti azadzise zvaakavimbisa, uye izvi zvinopa tariro. Mweya uyu unogonawo kuita kuti vanhu vave neunhu hwakanaka, hwakadai semufaro uye rugare.—VaGaratiya 5:22.

Mashoko Akapoteredza VaRoma 15:13

 Bhuku raVaRoma itsamba yakanyorerwa vaKristu vaigara muguta reRoma. Vamwe vevaKristu ava vaiva vaJudha, asi vamwe vainge vasiri. Pauro akavakurudzira vese kuti vave vakabatana pamafungiro uye maitiro pasinei nekuti vaibva kwakasiyana uye vaiva netsika dzakasiyana.—VaRoma 15:6.

 Pauro akayeuchidza vaKristu vaiva muRoma kuti Mwari akagara ataura nezvenguva yekuti vanhu vemarudzi ese vaizomurumbidza vakabatana. Kuti atsigire izvi, Pauro akataura mashoko ari muMagwaro echiHebheru b kanokwana ka4. (VaRoma 15:9-12) Zvaaireva ndezvekuti: Vanhu vemarudzi ese pamwe chete nevaJudha, vanogona kubatsirwa neushumiri hwaKristu. Vese vane tariro imwe chete yavanopiwa naMwari. Saka vese vaiva muungano yeRoma vaifanira ‘kugamuchirana’ pasinei nekwavaibva.—VaRoma 15:7.

a Kuti uwane mamwe mashoko, verenga nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Mweya Mutsvene?

b Dzimwe nguva, Magwaro echiHebheru anonzi Testamende Yekare.