Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Gungwa Romoto? Rakafanana Here Nehero Kana Kuti Gehena?

Chii Chinonzi Gungwa Romoto? Rakafanana Here Nehero Kana Kuti Gehena?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mashoko okuti gungwa romoto anoreva kuparadzwa zvachose. Ndizvo zvimwe chetezvo neshoko rokuti Gehena, asi zvakasiyana nerokuti hero, nekuti iri rinoreva guva rinovigwa vanhu.

Igungwa rekufananidzira

 Mavhesi mashanu eBhaibheri anotaura nezve“gungwa romoto” anoratidza kuti iri igungwa rokufananidzira. (Zvakazarurwa 19:20; 20:10, 14, 15; 21:8) Zvinhu zvinotevera zvinokandwa mugungwa romoto:

Chiratidzo chinofananidzira kuparadzwa zvachose

 Bhaibheri rinoti gungwa romoto “rinomirira rufu rwechipiri.” (Zvakazarurwa 20:14; 21:8) Rufu rwokutanga rwunotaurwa muBhaibheri rwakakonzerwa nekutadza kwaAdhamu. Rufu urwu haruna simba nokuti kuchava nerumuko uye pakupedzisira Mwari acharubvisa.​—1 VaKorinde 15:21, 22, 26.

Chinhu chinenge chapinda mugungwa romoto rokufananidzira hachifi chakabudamo

 Gungwa romoto rinofananidzira rufu rwechipiri. Kunyange zvazvo ruchifananidzirawo kusakwanisa kuita chero chii zvacho, rwakasiyana nerwokutanga nekuti Bhaibheri hapana zvarinotaura nezvokumutswa kwevanhu vanofa rufu rwechipiri. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti Jesu ane “kiyi dzehero uye dzorufu,” zvichiratidza kuti ane simba rokumutsa vanhu vanofa nemhaka yechivi chaAdhamu. (Zvakazarurwa 1:18; 20:13, King James Version) Asi hakuna munhu ane kiyi yegungwa romoto kunyange Jesu chaiye. Gungwa iri rokufananidzira rinoreva chirango chokuparadzwa zvachose.​—2 VaTesaronika 1:9.

Gehena Rakafanana neMupata waHinomu

 Shoko rokuti Gehena (muchiGiriki geʹen·na) rinowanika ka12 muBhaibheri. Rinofananidzira kuparadzwa zvachose kungofanana nezvinorehwa negungwa romoto. Mamwe maBhaibheri anoshandura shoko rokuti Gehena achiti “hero.” Asi Gehena rakasiyana nehero (muchiHebheru sheʼohlʹ, muchiGiriki haiʹdes).

Mupata waHinomu

 Shoko rokuti “Gehena” rinoreva “Mupata waHinomu,” uyo waiva kunze kweJerusarema. Munguva yakanyorwa Bhaibheri, vagari vemuguta iri vairasira marara mumupata uyu. Vaiita kuti moto urambe uchibvira uchipisa marara uye honye ndidzo dzaizopedzisa zvainge zvisina kutsva.

 Jesu akashandisa shoko rokuti Gehena achireva kuparadzwa nokusingaperi. (Mateu 23:33) Akati muGehena mune ‘honye dzisingafi uye moto usingadzimwi.’ (Mako 9:47, 48) Saka apa aitsigira zvaiitika muMupata waHinomu nezviri muuprofita hwaIsaya 66:24 inoti: “Vachabuda votarira zvitunha zvevarume vainditadzira; nokuti honye dziri pavari hadzizofi uye moto wavo hauzodzimwi.” Mufananidzo waJesu unoreva kuparadzwa zvachose kwete kurwadziswa. Honye nemoto zvinoparadza zvitunha, kwete vanhu vapenyu.

 Bhaibheri haritauri kuti vanhu vari muGehena vachamutswa. “Gungwa romoto” uye “Gehena romoto” zvinofananidzira kuparadzwa nokusingaperi.​—Zvakazarurwa 20:14, 15; 21:8; Mateu 18:9.

Mashoko okuti “vacharwadziswa masikati nousiku nokusingaperi-peri” anorevei?

 Kana gungwa romoto richifananidzira kuparadzwa, nei Bhaibheri richiti Dhiyabhorosi, chikara uye muprofita wenhema “vacharwadziswa masikati nousiku nokusingaperi-peri”? (Zvakazarurwa 20:10) Pane zvikonzero 4 zvinoratidza kuti kurwadziswa uku ndekwokufananidzira:

  1.   Kuti Dhiyabhorosi arwadziswe nokusingaperi, zvinoreva kuti anofanira kuramba ari mupenyu. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura kuti achaparadzwa, kana kuti achaurayiwa.​—VaHebheru 2:14.

  2.   Upenyu husingaperi, hachisi chirango asi chipo chinobva kuna Mwari.​—VaRoma 6:23.

  3.   Chikara nomuprofita wenhema zvinhu zvokufananidzira saka hazvikwanisi kurwadziswa.

  4.   Mamwe mashoko ari muBhaibheri anoratidza kuti kurwadziswa kuchaitwa Dhiyabhorosi kunoreva kuti achaparadzwa zvachose.

 Shoko rakashandiswa muBhaibheri richireva kurwadziswa rinogonawo kureva kutadziswa kuita chimwe chinhu. Somuenzaniso shoko rechiGiriki rinoreva “vanhu vanorwadzisa” rakashandiswa pana Mateu 18:34, mune dzimwe shanduro rinonzi “varindi vejeri.” Izvi zvinoratidza kuti kurwadzisa kwakada kufanana nokutadziswa kuita chimwe chinhu. Saizvozvowo, nyaya imwe chete inotaurwa pana Mateu 8:29 uye Ruka 8:30, 31 inofananidza kurwadziswa ne“gomba rakadzikadzika,” iro rinofananidzira rufu. (VaRoma 10:7; Zvakazarurwa 20:1, 3) Mubhuku raZvakazarurwa, panenge pachitaurwa nezvokurwadziswa panenge pachifananidzira chimwe chinhu.​—Zvakazarurwa 9:5; 11:10; 18:7, 10.