Mwari Ane Nzvimbo Yaanogara Here?
Mhinduro yeBhaibheri
Hongu. Mwari anogara kudenga. Ona zvinotaurwa nemavhesi aya omuBhaibheri:
Mambo Soromoni paainyengetera akati: “Teererai muri kumatenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara isingachinji.”—1 Madzimambo 8:43.
Jesu Kristu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vanyengetere vachiti “Baba vedu vari kumatenga.”—Mateu 6:9.
Jesu paakamutswa, akapinda “mudenga chaimo, zvino kuti aoneke pamberi paiye Mwari nokuda kwedu.”—VaHebheru 9:24.
Mavhesi iwayo anoratidza pachena kuti Jehovha Mwari munhu chaiye uye anogara kudenga kwete kuti ari kwose-kwose.