Mwari Anoti Kudii Panyaya Yekubheja?
Mhinduro yeBhaibheri
Kunyange zvazvo Bhaibheri risina parinonyatsotaura nezvekubheja, kana tikaongorora zvarinotaura tinogona kuona kuti munhu anenge achiita zvekubheja anenge achiita chivi pamberi paMwari.—VaEfeso 5:17. a
Makaro ndiwo anoita kuti munhu ade kubheja, uye Mwari anovenga makaro. (1 VaKorinde 6:9, 10; VaEfeso 5:3, 5) Munhu anobheja anenge achitarisira kuti dai vamwe vakaruza iye ahwine. Bhaibheri rinoshora kuchochora zvinhu zvemumwe munhu.—Eksodho 20:17; VaRoma 7:7; 13:9, 10.
Kubheja uchida kuhwina kunyange kamari kashoma, kunogona kuzoita kuti upedzisire wava kuda mari zvakanyanya.—1 Timoti 6:9, 10.
Kakawanda kacho vanhu vanobheja vanotenda mashura kana kuti vanoti dai vakaita mhanza yakanaka vakahwina. Asi Mwari anoona zvinhu zvakadaro sekutonamata zvidhori, uye haafariri zvinhu zvakadaro.—Isaya 65:11.
Bhaibheri rinokurudzira kushanda nesimba, kwete kuti munhu angowana zvinhu zvaasina kushandira. (Muparidzi 2:24; VaEfeso 4:28) Vaya vanoteerera zano iroro reBhaibheri ‘vanodya zvokudya zvavanozvishandira.’—2 VaTesaronika 3:10, 12.
Kubheja kunoita kuti munhu atange kuita makwikwi, nepo Bhaibheri richitoshora kuita zvemakwikwi.—VaGaratiya 5:26.
a MuBhaibheri, panonyatsotaurwa nezvekubheja ndepaya apo masoja eRoma akakanda mijenya, kana kuti “akabheja,” kuti aone kuti ndiani aizotora hembe yaJesu.—Mateu 27:35; Johani 19:23, 24; Contemporary English Version; Good News Translation.