Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinotii Nezvewanano?

Bhaibheri Rinotii Nezvewanano?

Mhinduro yeBhaibheri

 Pashure pekusika murume nemukadzi vekutanga, Mwari akavabatanidza semurume nemudzimai. Akatanga wanano kuti murume nemudzimai vagare vese vachidanana uye vakwanise kuzova nemhuri yakabatana.—Genesisi 1:27, 28; 2:18.

 Mwari anoda kuti vanhu vari muwanano vafare. (Zvirevo 5:18) MuBhaibheri, anopa mitemo inotaura nezvewanano uye mazano anogona kubatsira kuti wanano isimbe.

Zviri munyaya ino

 Ndeipi mitemo yaMwari inotaura nezvewanano?

 Kubvira pakutanga, Mwari aida kuti wanano ive mubatanidzwa wemurume mumwe chete nemudzimai mumwe chete. (Genesisi 2:24) Mwari haadi kuti vanhu vaite barika, ungochani, kana kubika mapoto. (1 VaKorinde 6:9; 1 VaTesaronika 4:3) Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vatevedzere mutemo waMwari wekuti wanano ive pakati pemurume mumwe chete nemudzimai mumwe chete.—Mako 10:6-8.

 Kuna Mwari, wanano mubatanidzwa weupenyu hwese. Murume nemudzimai pavanochata, vanovimbisana kuti vacharamba vakavimbika uye vachagara vese kweupenyu hwavo hwese. Mwari anotarisira kuti vachengete vimbiso iyoyo.—Mako 10:9.

 Vari muwanano vanogona kuparadzana kana kudambura muchato here?

 Dzimwe nguva, panogona kumuka zvimwe zvinhu zvinenge zvichida kugadziriswa nekukurumidza, zvakadai seurwere, saka murume kana mudzimai anenge achitofanira kumbobva pamba. Asi Bhaibheri harikurudziri kuti vakaroorana vaparadzane kana vanetsana. Rinoti vanofanira kugadzirisa zvinenge zvichinetsa zvacho, voramba vari pamwe chete.—1 VaKorinde 7:10.

 Upombwe ndihwo chete chikonzero chepaMagwaro chingaita kuti vakaroorana varambane. (Mateu 19:9) Saka kana murume nemudzimai vakasarudza kuparadzana kana kuti kurambana nekuda kwechimwe chikonzero chisiri cheupombwe, Bhaibheri rinoti hapana mumwe wavo anofanira kudanana kana kuti kuroorana nemumwe munhu.—Mateu 5:32; 1 VaKorinde 7:11.

 Wanano inofanira kunge yakanyoreswa zviri pamutemo here kuti Mwari aifarire?

 Mwari anoda kuti vaKristu vateerere mitemo yenyika ine chekuita newanano. (Tito 3:1) Murume nemudzimai pavanonyoresa wanano yavo zviri pamutemo, vanenge vachiratidza kuti vanoremekedza hurumende uye mutemo waMwari wekuti wanano ndeyeupenyu hwese. a

 Ndezvipi zvinotaurwa muBhaibheri zvinofanira kuitwa nevarume nemadzimai vari muwanano?

  •   Zvinotarisirwa kumurume nemudzimai. Varume nemadzimai vanofanira kudanana uye kuremekedzana. (VaEfeso 5:33) Vanofanira kugutsa zvido zvemumwe nemumwe zvebonde uye havatombofaniri kudanana nemumwe munhu. (1 VaKorinde 7:3; VaHebheru 13:4) Kana vaine vana, murume nemudzimai vanofanira kubatsirana pakuvarera.—Zvirevo 6:20.

     Bhaibheri haritsananguri nemo nemo kuti ndiani anofanira kuenda basa kana kuti ndiani anofanira kuita mabasa epamba. Vanogona kusarudza pamwe chete zvakanakira mhuri yavo.

  •   Basa remurume. Bhaibheri rinoti “murume ndiye musoro wemudzimai wake.” (VaEfeso 5:23) Ndiye musoro pakuti anofanira kutungamirira mhuri yake uye kuita zvisarudzo zvinobatsira mudzimai wake nevana.

     Anofanira kuva nechokwadi chekuti vanogara vachifara, vane zvavanoda pakurarama uye pane zvekunamata. (1 Timoti 5:8) Anoratidza kuti anokoshesa mudzimai wake kuburikidza nekuita zvinhu pamwe chete naye uye kunzwawo zvaanofunga paanenge achiita zvisarudzo. (Zvirevo 31:11, 28) Bhaibheri rinoti murume anofanira kutungamirira mhuri yake nerudo.—VaKorose 3:19.

  •   Basa remudzimai. Bhaibheri rinoti ‘mudzimai anofanira kuremekedza murume wake zvikuru.’ (VaEfeso 5:33) Mwari anofara mudzimai paanoratidza kuti anoremekedza murume wake semusoro.

     Basa rake nderekubatsira murume wake kuita zvisarudzo zvakanaka uye kumutsigira. (Genesisi 2:18) Bhaibheri rinorumbidza mudzimai anoita basa rake zvakanaka muwanano.—Zvirevo 31:10.

 Mazuva ano Mwari anoti vanhu vakaroorana vanotofanira kuva nevana here?

 Aiwa. Kare, Mwari akapa vamwe vashumiri vake mutemo wekuti vave nevana. (Genesisi 1:28; 9:1) Asi vaKristu havasi pasi pemutemo iwoyo. Jesu haana kumborayira vateveri vake kuti vave nevana. Uyewo vadzidzi vake havana kumbotaura kuti varume nemadzimai vakaroorana vanofanira kuva nevana. Vakaroorana vanofanira kuzvisarudzira vega kuti vanoda kuva nevana here.

 Bhaibheri ringandibatsira sei muwanano yangu?

 Bhaibheri rine mazano anogona kubatsira vakaroorana kuti vatange wanano yavo zvakanaka. Mazano ari muBhaibheri anogonawo kubatsira vakaroorana kuti vasanetsana kana kuti vagadzirise zvinhu zvinenge zvichinetsa.

 Mazano ari muBhaibheri anogona kubatsira vakaroorana kuti . . .

a Kuti uzive zvinotaurwa neBhaibheri nezvewanano dzinoitwa pachitevedzerwa tsika dzevanhu, ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 2006, peji 21, ndima 12.