Umambo hwaMwari Huchaitei?
Mhinduro yeBhaibheri
Umambo hwaMwari huchatsiva hurumende dzose dzevanhu uye huchatonga pasi rose. (Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 16:14) Pazvichaitika, Umambo hwaMwari. . .
Huchabvisa vakaipa, avo vanoda kuita zvinhu zvakangovanakira asi zvichikuvadza tose. “Asi vakaipa vachaparadzwa panyika.”—Zvirevo 2:22.
Huchagumisa hondo dzose. “[Mwari] anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.”—Pisarema 46:9.
Huchaita kuti vanhu vabudirire uye vagare vasingatyi. “Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, napasi pomuonde wake, uye hapana anozoita kuti vatye.”—Mika 4:4, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.
Huchaita kuti nyika ive paradhiso. “Gwenga nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo uye richatumbuka; seruva.”—Isaya 35:1, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.
Huchaita kuti munhu wose ave nebasa rinofadza uye rinogutsa. “Vanhu [vakasarudzwa naMwari] vachafarira basa remaoko avo zvizere. Havazoshandi zvakaoma pasina.”—Isaya 65:21-23.
Huchapedza zvirwere. “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24.
Huchaita kuti vanhu vasachembera. “Nyama yake ngaive itsva kupfuura paaiva muduku; ngaadzokere kumazuva esimba rouduku hwake.”—Jobho 33:25.
Huchamutsa vakafa. “Vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi [raJesu], vobuda.”—Johani 5:28, 29.